bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Judges 10
Judges 10
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 11 →
1
Shure kwenguva yaAbhimereki murume weIsraeri, Tora mwanakomana waPua, mwanakomana waDhodho, akasimuka kuti aponese Israeri. Akanga achigara muShamiri munyika yezvikomo yeEfuremu.
2
Akatungamirira Israeri kwamakore makumi maviri namatatu, ipapo akafa, uye akavigwa muShamiri.
3
Akazoteverwa naJairi muGireadhi, uyo akatungamirira Israeri kwamakore makore makumi maviri.
4
Akanga ana vanakomana makumi matatu, vaitasva mbongoro makumi matatu. Vaitonga maguta makumi matatu muGireadhi, ayo anodaidzwa nhasi kunzi Havhoti Jairi.
5
Jairi paakafa, akavigwa muKamoni.
6
VaIsraeri vakaitazve zvakaipa pamberi paJehovha. Vakashumira vanaBhaari uye vanaAshitoreti, navamwari veAramu, vamwari veSidhoni, vamwari veMoabhu, vamwari vavaAmoni navamwari vavaFiristia. Uye nokuti vaIsraeri vakasiya Jehovha uye vakasazomushumirazve,
7
iye akavatsamwira. Akavatengesa mumaoko avaFiristia uye navaAmoni,
8
avo vakavanetsa uye vakavapwanya mugore iroro. Vakadzvinyirira vaIsraeri vose vakanga vari nechokumabvazuva kweJorodhani muGireadhi, munyika yavaAmori, kwamakore gumi namasere.
9
VaAmoni vakayambukawo Jorodhani kuti vandorwa neJudha Bhenjamini uye neimba yaEfuremu; uye vaIsraeri vakashushikana zvikuru.
10
Ipapo vaIsraeri vakachema kuna Jehovha vakati, “Takakutadzirai nokuti takarasa Mwari wedu uye tikashumira vaBhaari.”
11
Jehovha akapindura akati, “Pamakadzvinyirirwa navaIjipita, vaAmori, vaAmoni, vaFiristia,
12
vaSidhoni, vaAmareki, navaMaoni uye mukachema kwandiri kuti ndikubatsirei, handina kukuponesai mumaoko avo here?
13
Asi imi makandirasa mukashumira vamwe vamwari, saka handichadi kukuponesaizve.
14
Endai mundochema kuna vamwari vamakasarudza. Ngavakuponesei pamunenge mava kutambudzika!”
15
Asi vaIsraeri vakati kuna Jehovha, “Takatadza hedu. Tiitirei zvose zvamunoona kuti zvakanaka kwamuri, asi tapota tinunurei henyu nhasi.”
16
Ipapo vakarasa vamwari vatorwa pakati pavo vakashumira Jehovha. Uye haana kuzotenderazve kutambudzika kweIsraeri.
17
VaAmoni pavakadanwa kuhondo uye vakadzika musasa muGireadhi, vaIsraeri vakaungana vakadzika musasa paMizipa.
18
Vatungamiri vavanhu veGireadhi vakati kuno mumwe nomumwe wavo, “Ani naani achatanga kundorwa navaAmoni ndiye achava mukuru wavose vanogara muGireadhi.”
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21