bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Judges 12
Judges 12
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 13 →
1
Varume veEfuremu vakadana varwi vavo, vakayambuka mhiri vakaenda kuZafani uye vakati kuna Jefuta, “Wakaendereiko kundorwa navaAmoni ukasatidana kuti tiende newe? Tichapisa imba yako iwe uri mukati.”
2
Jefuta akapindura akati, “Ini navanhu vangu takanga tiri pakutambudzika kukuru navaAmoni, uye kunyange ndakadana, imi hamuna kundiponesa kubva mumaoko avo.
3
Pandakaona kuti hamusi kuda kubatsira, ndakaisa upenyu hwangu mumaoko angu ndikayambuka kundorwa navaAmoni, iye Jehovha akandipa kukunda pamusoro pavo. Zvino mauyireiko nhasi kuzorwa neni?”
4
Ipapo Jefuta akaunganidza varume veGireadhi akarwa neEfuremu. VaGireadhi vakavauraya nokuti vaEfuremu vakanga vati, “Imi vaGireadhi muri vanhu vakatiza kubva kuna Efuremu naManase.”
5
VaGireadhi vakatora mazambuko eJorodhani aienda kuEfuremu, uye upi noupi wavakasara veEfuremu aiti akati, “Regai hangu ndiyambukire mhiri,” varume veGireadhi vaimubvunza vachiti, “Uri muEfuremu here?” Kana akapindura achiti, “Kwete,”
6
vaiti, “Zvakanaka, iti, ‘Shibhoreti.’ ” Kana akati, “Sibhoreti” nokuda kwokuti akanga asingagoni kureva shoko iro zvakanaka, vaimubata vomuuraya pamazambuko eJorodhani. Zviuru makumi mana nezviviri zvavaEfuremu zvakaurayiwa panguva iyoyo.
7
Jefuta akatungamirira vaIsraeri kwamakore matanhatu. Ipapo Jefuta muGireadhi akafa, uye akavigwa muguta riri muGireadhi.
8
Shure kwake, Ibhizani weBheterehema akatungamirira Israeri.
9
Akanga ana vanakomana makumi matatu uye vanasikana makumi matatu. Akawanisa vanasikana vake kuvanhu vakanga vasiri vorudzi rwake, uye akavigira vanakomana vake vanasikana vakanga vasiri vorudzi rwake makumi matatu kuti vave vakadzi vavo. Ibhizani akatungamirira Israeri kwamakore manomwe.
10
Ipapo Ibhizani akafa, uye akavigwa muBheterehema.
11
Shure kwake, Eroni muZebhuruni akatungamirira vaIsraeri kwamakore gumi.
12
Ipapo Eroni akafa, uye akavigwa muAijaroni munyika yaZebhuruni.
13
Shure kwake, Abhudhoni mwanakomana waHireri aibva kuPiratoni, akatungamirira Israeri.
14
Akanga ana vanakomana makumi mana uye vazukuru makumi matatu, vaitasva mbongoro makumi manomwe. Iye akatungamirira vaIsraeri kwamakore masere.
15
Ipapo Abhudhoni mwanakomana waHireri akafa, uye akavigwa paPiratoni muEfuremu, munyika yezvikomo yavaAmareki.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21