bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Matthew 3
Matthew 3
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 4 →
1
Mumazuva iwayo Johani Mubhabhatidzi akauya achiparidza murenje reJudhea,
2
achiti, “Tendeukai, nokuti umambo hwokudenga hwava pedyo.”
3
Uyu ndiye akataurwa kubudikidza nomuprofita Isaya zvichinzi: “Inzwi rounodanidzira murenje richiti, ‘Gadzirai nzira yaShe, ruramisai migwagwa yake.’ ”
4
Nguo dzaJohani dzakanga dzakagadzirwa nemvere dzengamera uye akanga akasunga bhanhire redehwe muchiuno chake. Zvokudya zvake zvaiva mhashu nouchi.
5
Vanhu vakabuda vakaenda kwaari vachibva muJerusarema nomuJudhea yose nomudunhu rose reJorodhani.
6
Vachireurura zvivi zvavo vakabhabhatidzwa naye murwizi rweJorodhani.
7
Asi paakaona vaFarisi navaSadhusi vachiuya kwaaibhabhatidzira akati kwavari, “Imi vana venyoka! Ndiani akakuyambirai kuti mutize kutsamwa kuchauya?
8
Berekai zvibereko zvakafanira kutendeuka.
9
Uye musafunga kuti mungati, ‘Tina Abhurahama sababa vedu.’ Ndinokuudzai kuti Mwari anogona kumutsa vamwe vana vaAbhurahama kubva pamabwe aya.
10
Demo ratoiswa pamidzi yemiti uye muti wose usingabereki zvibereko zvakanaka uchatemwa ugokandwa mumoto.
11
“Ini ndinokubhabhatidzai nemvura kuti mutendeuke. Asi shure kwangu kuchauya mumwe mukuru kwandiri, wandisina kukodzera kunyange kutakura shangu dzake. Achakubhabhatidzai noMweya Mutsvene nomoto.
12
Rusero rwuri muruoko rwake, uye achanatsa buriro rake, achiunganidza gorosi mudura, uye achizopisa hundi mumoto usingadzimi.”
13
Ipapo Jesu akabva kuGarirea akauya kuJorodhani kuti azobhabhatidzwa naJohani.
14
Asi Johani akaedza kumudzivisa achiti, “Ini ndini ndinotofanira kubhabhatidzwa nemi, imi mouya sei kwandiri?”
15
Jesu akati, “Ngazvive saizvozvo iye zvino; zvakafanirwa kuti tiite izvi kuti tizadzise kururama kwose.” Ipapo Johani akabvuma hake.
16
Jesu angobhabhatidzwa, akabuda mumvura. Panguva iyoyo denga rakazaruka, uye akaona Mweya waMwari uchiburuka senjiva uye ukasvikogara paari.
17
Inzwi rakabva kudenga richiti, “Uyu ndiye Mwanakomana wangu wandinoda, wandinofarira.”
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28