bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
/
Matthew 6
Matthew 6
Shona (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 7 →
1
“Chenjerai kuti murege kuita ‘mabasa enyu okururama’ pamberi pavanhu kuti muonekwe navo. Kana mukaita saizvozvo, hamuzovi nomubayiro kuna Baba venyu vari kudenga.
2
“Saka kana mopa kuna vanoshaya, musaridza hwamanda sezvinoitwa navanyengeri mumasinagoge nomumigwagwa kuti vakudzwe navanhu. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara.
3
Asi kana wopa kuna vanoshaya ruoko rwako rworuboshwe ngarurege kuziva zviri kuitwa noruoko rwako rworudyi,
4
kuitira kuti kupa kwako kuve pakavanda. Ipapo Baba vako, vanoona zvinoitwa pakavanda, vachakupa mubayiro.
5
“Uye pamunonyengetera, musava savanyengeri nokuti vanofarira kunyengetera vamire mumasinagoge napamharadzano dzenzira kuti vaonekwe navanhu. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara.
6
Asi paunonyengetera, pinda mumba mako, ugopfiga musiwo uye ugonyengetera kuna Baba vako avo vasingaonekwi. Ipapo Baba vako avo vanoona zvinoitwa pakavanda, vachakupa mubayiro.
7
Uye pamunonyengetera, musangoramba muchidzokorora zvimwe chetezvo sezvinoitwa navasingatendi nokuti vanofunga kuti vachanzwikwa nokuda kwamashoko avo mazhinji.
8
Musafanana navo nokuti Baba venyu vanoziva zvamunoshayiwa musati mavakumbira.
9
“Zvino aya ndiwo manyengeterero amunofanira kuita: “ ‘Baba vedu vari kudenga, zita renyu ngarikudzwe,
10
umambo hwenyu ngahuuye, kuda kwenyu ngakuitwe panyika sezvinoitwa kudenga.
11
Tipei nhasi chingwa chedu chamazuva namazuva.
12
Tiregererei zvatinokutadzirai, sezvatinoregererawo vanotitadzira isu.
13
Tibatsirei kuti tisapinda mukuedzwa, uye mutinunure kubva kuno wakaipa.’
14
“Nokuti kana mukaregerera vanokutadzirai, Baba venyu vari kudenga vachakuregereraiwo.
15
Asi kana musingaregereri vamwe zvitadzo zvavo, Baba venyu havazokuregererai zvitadzo zvenyu.
16
“Pamunotsanya, musaunyanisa zviso sezvinoita vanyengeri nokuti vanounyanisa zviso zvavo kuti vaonekwe navanhu kuti vari kutsanya. Ndinokuudzai chokwadi kuti vatowana mubayiro wavo wakazara.
17
Asi pamunotsanya, zorai mafuta mumisoro yenyu uye mugogeza kumeso kwenyu,
18
kuitira kuti zvirege kuonekwa navanhu kuti muri kutsanya, asi zvizivikanwe chete naBaba venyu avo vasingaonekwi. Uye Baba venyu vanoona pakavandika, vachakupai mubayiro.
19
“Musazviunganidzira pfuma panyika, pane zvipfukuto nengura zvinoparadza, uye pane mbavha dzinopaza dzichiba.
20
Asi zviunganidzirei pfuma kudenga uko kusina zvipfukuto nengura zvinoparadza, uye kusina mbavha dzinopaza dzichiba.
21
Nokuti apo pane pfuma yako ndipo pane mwoyo wakowo.
22
“Ziso ndiwo mwenje womuviri. Kana maziso ako akanaka, muviri wako wose uchava nechiedza.
23
Asi kana maziso ako akaipa muviri wako wose uchange uzere nerima. Zvino kana chiedza chiri mauri riri rima, richange riri rima rakakura zvakadii!
24
“Hapana angakwanise kushandira vatenzi vaviri. Achavenga mumwe uye agoda mumwe, kana kuti achazvipira kushandira mumwe uye agozvidza mumwe. Haungashandire zvose Mwari neMari.
25
“Naizvozvo ndinokutaurirai kuti, musafunganya nezvoupenyu hwenyu, kuti muchadyei kana kuti muchanwei, kana nezvemiviri kuti muchapfekei. Ko, upenyu hausi hwakakosha here kudarika zvokudya, nomuviri kudarika nguo?
26
Tarirai shiri dzinobhururuka, hadzidyari kana kukohwa kana kuisa zvokudya mumatura, asi Baba venyu vari kudenga vanodzipa zvokudya. Imi hamuna kukosha kudzipfuura nokure kwazvo here?
27
Ndiani pakati penyu angawedzera awa imwe chete paupenyu hwake nokuda kwokufunganya?
28
“Ko, munofunganyirei pamusoro pezvokupfeka? Tarirai kuti maruva esango anokura sei? Haashandi kana kuruka.
29
Asi ndinokuudzai kuti kunyange naSoromoni mukubwinya kwake kwose, haana kumboshonga serimwe ramaruva aya.
30
Zvino kana Mwari achishongedza saizvozvo uswa hwesango huripo nhasi uye mangwana huchizokandwa mumoto, haangakushongedzei kupfuura izvi here, imi vokutenda kuduku?
31
Naizvozvo musafunganya muchiti, ‘Tichadyei?’ kana kuti, ‘Tichanwei?’ kana ‘Tichapfekei?’
32
Izvi ndizvo zvinoitwa navahedheni, nokuti Baba venyu vari kudenga vanoziva kuti munoda zvinhu izvi.
33
Asi tangai kutsvaka umambo hwake nokururama kwake, uye zvinhu zvose izvi zvichapiwawo kwamuri.
34
Naizvozvo musafunganya nezvamangwana nokuti mangwana achazvifunganyira zvawo. Zuva rimwe nerimwe rine nhamo dzaro dzakarikwanira.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28