bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 John 1
1 John 1
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 2 →
1
Iye uya aivapo kubvira pakutanga, uya watakanzwa tikatoonawo namaziso edu, iyeyo watakatarisa, tikamubatawo namaoko edu, ndiyeyo anonzi Izwi, muridzi woupenyu.
2
Upenyu ihwohwo hwakaratidzwa pachena tikahuona uye tinohupupurira tichiparidzawo kwamuri. Upenyu ihwohwo husingaperi hwaiva naBaba hwakaratidzwa kwatiri.
3
Watakaona tikanzwa uya, ndiyeyo watiri kukuparidzai kuti imi muve noukama hwakanaka nesu. Ukama hwatinahwo isu hukama naBaba naMwanakomana wake, Jesu Kristu.
4
Tiri kunyora izvi kuti rufaro rwedu rwuzare.
5
Iri ndiro shoko ratakanzwa kwaari ratinokuparidzaiwo rokuti, Mwari chiedza uye kuti maari hamuna kana rima zvaro.
6
Kana tikati tino ukama hwakanaka naye isu tichifamba murima tinoreva nhema uye tisingatevedzi chokwadi.
7
Asi tikafamba muchiedza saiye ari muchiedza, tine ukama hwakanaka pakati pedu uye ropa raJesu Mwanakomana wake rinotisuka kuzvitadzo zvose.
8
Kana tikati hatisi vatadzi tinozvinyengedza uye chokwadi hachisi matiri.
9
Tikareurura zvitadzo zvedu iye anotendeka uye akarurama, anotiregerera zvitadzo zvedu achitichenesa kuunyangadzi hwose.
10
Kana tikati hatitadziri Mwari tinomuita munyepi uye izwi rake harisi matiri.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5