bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 John 3
1 John 3
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 4 →
1
Tarisai muone kuti rudo rwakadii rwatakaitirwa naBaba, rwokuti tinzi vana vaMwari uye ndizvo zvatiriwo izvozvo. Chinoita kuti pasi pasatizive ndechokuti hapana kumuziva.
2
Vadikanwi izvozvi tiri vana vaMwari. Zvatichava hazvisati zvavakuonekwa. Asi zvatinoziva ndezvokuti kana iye ozviratidza, tichange takafanana naye nokuti tichamuona sezvaari.
3
Munhu wose ane chitarisiro maari kudai anozvichenesa nokuti iye mutsvene.
4
Munhu wose anopara chitadzo, kushaya mutemo kwomunhu iyeyo. Kupara chitadzo, kushaya mutemo ikoko.
5
Munoziva kuti Jesu akazviratidza kuti abvise zvitadzo uye maari hamuna chitadzo.
6
Hapana anogara akabatana naye anoita zvitadzo. Munhu anoita chitadzo, haasati ambomuona kana kumuziva.
7
Vanangu, musanyengedzwe nomunhu; munhu anoita zvakanaka, mururami, sezvakangoitawo Jesu mururami.
8
Munhu anoita chitadzo, ndowaSatani nokuti Satani aingotadzira Mwari kubvira pakutanga. Chikonzero chakaita kuti Mwanakomana waMwari azviratidze ndechichi chokuti aparadze mabasa aSatani.
9
Hapana munhu akaberekwa naMwari anoita chitadzo nokuti mhodzi yaMwari inogara maari. Haakwanisi kutadzira Mwari nokuti akaberekwa naMwari.
10
Izvozvi ndizvo zvinotiratidza pachena kuti vana vaMwari ndavapi uye kuti vana vaSatani ndavapi. Munhu wose asingaiti zvakarurama, haasi waMwari ndizvo zvimwechetezvo nomunhu asingadi hama yake.
11
Nokuti ndiro shoko ramakanzwa kubvira pakutanga, rokuti tinofanira kudanana
12
tirege kuita saKaini akanga ari womuipi uya akaponda munun'una wake. Akamuponderei? Nokuti zviito zvake zvakanga zvakaipa asi zvomunun'una wake zvakanga zvakanaka.
13
Hama musashamisike kana pasi pachikuvengai.
14
Inga isu tinoziva wani kuti takabva kurufu tichienda kuupenyu nokuda vehama kwatinoita. Munhu asina rudo anogara ari murufu.
15
Munhu anovenga mumwe wake imhondi uye munoziva kuti mhondi haina upenyu husingaperi hunogara mairi.
16
Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo chinonzi rudo, zvokuti akapira upenyu hwake pamusana pedu, isuwo tinofanira kuparadza upenyu hwedu nokuda kwavamwe vedu.
17
Ngatitii munhu ane upfumi hwapanyika akaona mumwe wake asina chokubata iye womuomesera mwoyo pakadaro rudo rwaMwari runganzi ruri maari sei?
18
Vanangu ngatiregei kungodana zvapamuromo kana zvokungobatana kumeso asi muzviito nomuchokwadi.
19
Izvozvi ndizvo zvinotizivisa kuti tiri pachokwadi uye zvinotigadzanisa mwoyo pamberi pake
20
kana hana dzedu dzotipomera mhosva, nokuti Mwari mukuru pane hana dzedu uye anoziva zvose.
21
Vadikanwi kana hana dzedu dzisingatipi mhosva tine chivimbo pamberi paMwari.
22
Tinopiwa naye zvose zvatinokumbira nokuti tinochengeta mitemo yake tichiita zvinomufadza.
23
Mutemo wake ndouya wokuti: Tinofanira kutenda muzita roMwanakomana wake Jesu Kristu uye kudanana sokutiudza kwaakaita.
24
Vose vanochengeta mitemo yake vanogara vakabatana naye iyewo akabatanawo navo. Izvi ndizvo zvinotizivisa kuti iye akabatana nesu, zvokuti akatipa Mweya Mutsvene.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5