bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Thessalonians 2
1 Thessalonians 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
1
Hama dzangu imi pachenyu munoziva kuti kukushanyirai kwedu kwakanga kusiri kusina maturo.
2
Kunyange zvedu takambenge tatambudzika uye tanyadziswa kuFiripi, sokuziva kwenyu, takaita chivindi muna Mwari wedu; takakuparidzai Shoko Rakanaka raMwari pakati pavanhu vairwisana zvikuru nezvataiita.
3
Kukukurudzirai kwedu hakubvi mune zvemanomano kana mune zvisina kuchena kana kuda kunyengedza.
4
Asi sokuonekwa kwatakaitwa naMwari kuti takakodzera kuti Shoko Rakanaka riiswe mumaoko medu, naizvozvo tinotaura kwete kuti tifadze vanhu, asi kuti tifadze Mwari anoongorora zvatiri.
5
Sezvamunoziva, hatina kushandisa mazwi okubata vanhu kumeso kana mazwi okufukidza kuda upfumi kwedu. Mwari angatipupurirewo.
6
Hatina kutsvaka mbiri inobva kuvanhu, kungave kwamuri imi kana kunavamwe. Kunyange zvedu taigona, savapositori vaKristu, kunge takakuremedzai nezvokuita,
7
asi taiva vanhu vanyoro pakati penyu saamai vanoyamwisa vari kuchengeta vana vavo.
8
Saizvozvo pamusana pokukudai zvakanyanya kwatinoita, hatina kungoda kuti tigoverane chete zveShoko Rakanaka raMwari, asi kuti tiitewo upenyu hwedu nemi nokuti imi makanga mava vapamwoyo chaivo kwatiri.
9
Hama, imi munoyeuka kushanda nokushingaira kwedu. Takashanda siku nesikati kuti tirege kuwana nomumwe wenyu watinoremedza patainge tichiparidza Shoko Rakanaka raMwari.
10
Imi, pamwechete naMwari, munotova zvapupu zvokuti maitiro edu kwamuri vatendi, takanga tiri vatsvene zvakadii, takarurama zvakadii tisina chatingapomerwe zvakadii.
11
Imi munoziva kuti ini, sababa ana vana vake,
12
ndakakukurudzirai mumwe nomumwe wenyu ndichikunyaradzai nokukukurudzirai kuti mugare upenyu hunokodzerana naMwari anokudaidzirai kuti mupinde muumambo hwake nomumbiri yake.
13
Tinotendawo Mwari nguva dzose pamusoro pezvizvi zvokuti pamakagashira shoko raMwari ramakanzwa kwatiri, hamuna kurigamuchira seshoko ravanhu, asi sezvariri, seshoko raMwari riri kushanda mamuri imi vatendi.
14
Imi hama, makasanganawo nezvakawira masangano aMwari okuJudhea muna Kristu Jesu nokuti imi makarwadziwawo nezvinhu zvakabva kuvanhu vomunyika menyu sezvavakaitwawo navaJudha.
15
Vakauraya Tenzi Jesu navaporofita uye vakatitandanisa; vanotsamwisa Mwari vachiita zvinorwisana navanhu vose
16
nokutidzivisa kutaura kune vechirudzi kuti vaponeswe. Naizvozvo vanotozadzikisa ukuru hwezvitadzo zvavo. Asi pokupedzisira Mwari avakuvavinga nehasha dzake.
17
Hama, patakamboti paradzaniswei kwechinguva pakuonana kwete mupfungwa, taitodisisa kwazvo tikaita shungu dzokukuonai uso nouso.
18
Taida kuuya kwamuri. Iyeni Pauro ndaida kuuya kakatowanda, asi Satani akatidzivisa.
19
Ko chitarisiro chedu chii norufaro rwedu chii kana chiremba chedu chokudada nacho pamberi paTenzi wedu Jesu paanouya chii? Hamusirimi here,
20
nokuti imi ndimi mbiri yedu norufaro rwedu?
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5