bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
1 Thessalonians 4
1 Thessalonians 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 5 →
1
Pokupedzisira hama dzangu, isu muna Tenzi Jesu tinokukumbirai tichikukurudzirai kuti sokudzidza kwamakaita kwatiri, mugariro wamunofanira kuita, mufadze Mwari, sezvamuri kungoita. Itai saizvozvo zviri zvakatowandisisa.
2
Imi munoziva zvatakakutaurirai musimba raTenzi Jesu.
3
Izvi ndizvo zvinoda Mwari zvokuti imi muve vatsvene musiane noupombwe.
4
Mumwe nomumwe wenyu ngaazive kuchengeta muviri wake muutsvene nomukuuremekedza
5
kwete nehavi dzomuviri dzoruchiva sezvinoita vechirudzi vasingazivi Mwari
6
uye kuti panyaya iyoyi hapafaniri kuva nomunhu anonyengedza kana kukanganisira mumwe wake. Nokuti sezvatakambokuyambirai, Tenzi anotsividza mune zvose izvi, uye nokuti
7
Mwari haana kutidaidzira zvetsvina izvi asi zvoutsvene.
8
Naizvozvo munhu anoramba izvi haasi kuramba vanhu asi ari kuramba Mwari anopa Mweya Mutsvene wake kwamuri.
9
Panyaya yorudo navamwe vanamati, hazvimboda kuti munhu akunyorerei, nokuti imi pachenyu makadzidziswa naMwari kudana.
10
Ichokwadi kuti munoda vehama vose vari muMasedhonia yose asi chatinokukurudzirai, hama, kuita izvozvo zvakatowanda kwazvo
11
uye kuvavarira kugara upenyu hwenyu chinyararire, muzive zvenyu, muchizvishandira namaoko enyu sokukuudzai kwatakaita
12
kuti vokunze vakuremekedzei murege kupona nokubatsirwa navo.
13
Hama hatidi kuti munge musingazivi nezvavakafa kuti murege kusuwa sezvinoita vamwe vasina chitarisiro.
14
Sezvatinotenda kuti Jesu akafa akamukazve saizvozvowo, nokuna Jesu, Mwari achadzosa pamwe naye vakafa.
15
Izvi tinokutaurirai zviri pachena, iro ririwo shoko raTenzi kuti isu vapenyu, takasara kusvikira kuuya kwaTenzi, hatitangiri vaya varere
16
nokutiwo Tenzi pachake achaburuka achibva kudenga pachidaidzirwa. Pachanzwika izwi romutumwa mukuru uye pacharira hwamanda yaMwari. Vakafa muna Kristu ndivo vachatanga kumuka.
17
Zvino isu vapenyu takasara tichatorwa pamwechete navo tichiendeswa kumakore kundosangana naTenzi mumhepo. Naizvozvo ticharamba tiina Tenzi.
18
Naizvozvo potai muchinyaradzana namashoko iwaya.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5