bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Thessalonians 1
2 Thessalonians 1
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
1
Ndini Pauro naSirivhanusi naTimoti tinokunyorerai imi sangano rokuTesaronika muna Mwari Baba vedu naTenzi Jesu Kristu.
2
Nyasha norugare ngazvive nemi zvichibva kuna Mwari Baba nokuna Tenzi Jesu Kristu.
3
Tinosungirwa kutenda Mwari nguva dzose pamusana penyu, hama dzangu, sechinhu chinokodzera kuitwa nokuti chitendero chenyu chiri kuramba chichingokura kwazvo uye kudanana kwenyu kuri kukura.
4
Naizvozvo isu pachedu tinodada nemi mumasangano aMwari nokuda kwokutsungirira kwenyu pakutenda mukutambudzwa kwenyu kose nenhamo dzamunotakurana nadzo.
5
Zvose izvozvi zvinoratidza kugona kutonga kwaMwari kuti imi munokodzera kupinda muumambo hwaMwari hwamuri kutamburira
6
uyewo nokuti Mwari anozviona chiri chinhu chinokodzera kutsividza nenhamo avo vanokutambudzai.
7
Achakupai zororo pamwechete nesu imi muri kuoneswa nhamo kana Tenzi Jesu oratidzwa achibva kudenga navatumwa vake vane simba
8
mumoto unonganduma. Achatsividza avo vasingazivi Mwari navavo vasingateereri Shoko Rakanaka raTenzi wedu Jesu.
9
Vachatambura neshamhu yokuparadzwa zvisina mugumo uye vachabviswa pana Tenzi nekumbiri yesimba rake
10
paanouya musi iwoyo kuzorumbidzwa muvatsvene vake uye kuzoyemurwa pamusana pavavo vakatenda kwaari nokuti makagamuchira kupupura kwedu.
11
Pamusana paizvozvi tinonamata nguva dzose kuti Mwari wedu aite kuti imi muve vanhu vakakodzera kukudaidzai kwaakaita uye kuti aite kuti zvakanaka zvamunoda kuita zvechitendero zvibudirire nesimba rake,
12
izvi kuri kuitira kuti zita raTenzi wedu Jesu rirumbidzwe mamuri imiwo murumbidzwe maari maererano nenyasha dzaMwari wedu nedzaTenzi Jesu Kristu.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3