bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
2 Thessalonians 3
2 Thessalonians 3
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
1
Pokupedzisira hama dzangu, tinamatireiwo kuti shoko raTenzi rirambe richingomhanya kuenda mberi uye kuti rikunde sezvarakaita pakati penyu
2
uye kuti tinunurwe kuvanhu vakaipa vanyangadzi. Havasi vose vose vane chitendero,
3
asi Tenzi akatendeka achakudzivirirai kumuipi.
4
Isu tine chivimbo muna Tenzi kuti muri kuita uye mucharamba muchiita zvinhu zvatakati muite.
5
Dai Tenzi angotungamirira mwoyo yenyu kurudo rwaMwari uye kuno kutirira kwaKristu.
6
Zvino tinokuudzai hama muzita raTenzi Jesu Kristu kuti siyanai nehama inenge iri nyope isingatevedzi magamuchidzanwa amakagamuchira kwatiri.
7
Imi munoziva wani kuti munofanira kutitevedzera zvakadii. Isu takanga tisingagari maoko patanga tiinemi.
8
Hatina kudya chokudya chomunhu mahara, asi taishanda zvakaoma tichifondoka siku nesikati kuti tirege kuwana watinoremedza.
9
Hazvirevi kuti isu hatina mvumo yokubatsirwa nemi asi kuti tikupei muenzaniso wokuti mutevedzere.
10
Kunyange pataiva tiinemi takakuudzai kuti kana munhu asingadi kushanda ngaarege kudya.
11
Nokuti tinonzwa kuti vamwe venyu vari kugara zvavo maoko; basa ravo riri rokunekaira chete pasina chavanoita.
12
Zvino tinokomera vanhu vakadaro tichivakurudzira muna Tenzi Jesu Kristu kuti vaite basa ravo chinyararire vachizviwanira zvokurarama nazvo.
13
Hama dzangu musanete mukuita zvakanaka.
14
Kana pane anoramba kuteerera zvatiri kutaura mutsamba ino nyatsomuzivai murege kuva nechii chamunoita naye kuti anyare.
15
Musamutore semhandu asi muyambirei sehama.
16
Zvino Tenzi worugare pachake ngaakupei rugare nguva dzose nenzira dzakasiyana — siyana. Tenzi ngaave nemi mose.
17
Ndini Pauro ndiri kunyora kwaziso iyi noruoko rwangu. Aya ndiwo masainiro andinoita tsamba dzangu dzose ndiwo manyorero andinoita.
18
Tenzi Jesu Kristu ngaakupei mose chikomborero chenyasha dzake.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
All chapters:
1
2
3