bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Habakkuk 1
Habakkuk 1
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
1
Chirevo chaMwari chakaonekwa nomuporofita Habhakuku.
2
Nhai TENZI, kusvikira rinhi chaizvo ndichingochemera rubatsiro, imi musingateereri? Kana kuchema kwamuri kuti, “Ko utsinyeka uhu!” Asi imi musinganunuri?
3
Chamunondionesera zvakaipa chii imi kusarurama muchikuona zvenyu? Kuparadza noutsinye zvatarisana neni, gakava nokunetsana zvinomuka.
4
Saka mutemo waita zinyekenyeke uye hapasisina ruenzaniso runoitwa nokuti vakaipa vanokomberana varurami saka ruenzaniso rwava kuminamiswa.
5
“Zvino chitarisai muone mukati memarudzi zvichatokushamisai zvigokukatyamadzai nokuti ndiri kuita basa mumazuva enyu rokuti kana mukarinzwa hamumboribvumi.
6
Nokuti chiripo ndechichi, kuti ndiri kunyandutsa vaKaridhea, rudzi rwakaipa mwoyo ruya, rudzi rwavanhu akarikiriki vanobvongodza nyika yose kundopamba misha isiyavo.
7
Vanotyisa uye vanodederesa. Kutonga kwavo ndokwomusoro wavo. Ukuru hwavo ndohwokuzvipa.
8
“Mabhiza avo, kumhanya, mbada dzinosara pasi achityisa kupinda mhumhi dzinofamba usiku varwi vavo vamabhiza vanokakatika vachizvikudza. Heeka, varwi vavo vamabhiza vanobva kure vachibhururuka segondo risingatani kudya.
9
“Chavanovinga vose zvavo kuzorwisa, chavananga ndichocho, havadzokeri shure vanounganidza nhapwa sejecha.
10
Vanofifida kuseka madzimambo, vatongi vanoita zvokutotamba navo. Vanotoseka guta rese retsvingo nokuti vanoriitira chimutundurundu chevhu chinenge musana wenzou vobva varitora zvavo.
11
Vobvapo, heyo mhepo kuenda mberi, vanhu vane mhosva, simba ravo vanoritora sokunge mwari wavo.”
12
Inga wani ndimi Chidzachapo nhai TENZI, Mwari wangu, Anoera wangu. Isu hatisi kuzofa Inga imi TENZI makavasarudzira kuti vaunze ruenzaniso imi Dombo, ndimi makaita kuti vasimbarare kuti vave vokuranga.
13
Maziso enyu akaruramisisisa zvokuti hamufaniri kutarisa zvinhu zvakaipa. Haakwanisi kutarisa kuita kwakatsauka. Munodarirei kungotarisa zvenyu vanhu vasina kutendeka kana iko kunyarara kwenyu muipi achimedza akarurama kupinda iye?
14
Nokuti vanhu munovaita kuti vave sehove dzegungwa, sezvinhu zvinokambaira zvisina mutongi.
15
Anoraura nechirauro ozvikukudza nomumbure wavo anozviti unge unge mumambure avo agopembera kwazvo kufara.
16
Naizvozvo anobayira chibayiro kumimbure yake, opisira rusenzi kumambure ake ndizvo zvinomupa kugarika uye nezvokudya zvakawanda.
17
Ko ivo vacharambokutura mimbure yavo vachingouraya zvisina tsitsi marudzi avanhu nokusingaperi here?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3