bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Habakkuk 3
Habakkuk 3
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
1
Munamato womuporofita Habhakuku wokuita neShigionoti akati,
2
TENZI ndakanzwa nezvenyu uye basa renyu TENZI rinondityisa. Rivandudzei mukati memakore muite kuti rizivikanwe mukati memakore, kana mukushatirwa rangarirai tsiye nyoro.
3
Mwari akabva kuTemani uye Anoera achibva kuGomo reParani, mbiri yake yakakwidibira matenga nyika ikazara nokurumbidzwa kwake. Dzepfunde
4
Kupenya kwake kwakanga kuchiita sechiedza, mirazvo ichipenya mumaoko make, akahwandisa simba rake imomo.
5
Mberi kwake denda rakanga rakatungamira; zvirwere zvakatsikana tsoka naro.
6
Akasimuka akapima nyika akatarisa akadederesa marudzi, makomo apakatikati ndokuati mwarara, makomo apasichigare akati ndondondo kunyura pasi. Maitiro ake aya akanga akaita saapasichigare.
7
Ndakaona misasa yamatendhe yokuKushi yapinda nhamo, machira okudzikatirisa enyika yeMidhia odedera.
8
Nhai TENZI, makanga mashatirirwa nzizi here? Kana kuti hasha dzenyu dzakavirukira nzizi kana kuti makavirukira gungwa nehasha, pamakanga makatasva mabhiza enyu muri mungoro dzenyu dzehondo dzokukurira?
9
Makasunungura hara pauta hwenyu mukaisa museve wenyu patambo yokukungisa mukatsemura nyika nenzizi. Dzepfunde
10
Makomo akakuonai akazvongonyoka; mvura ine hasha ikakukura hwenje hukaunga; masaisai akasimuka mudenga.
11
Zuva nemwedzi zvakati mbikiti kumira panzvimbo pazvo kuchiedza chemiseve yenyu yaipembera kuenda pakuvaima kwepfumo renyu.
12
Makatara nhanho pasi pano makatsamwa mukatsokodzera marudzi avanhu makashatirwa.
13
Makabuda kundonunura vanhu venyu, kuponesa muzodzwa wenyu. Makapwanya musoro womuipi mukamupfekenura kusiya ava musvo kubvira kumakumbo kusvikira pamutsipa. Dzepfunde
14
Makabaya varwi vake musoro nemhayo dzenyu vakanga vauya sechamupupuri kuzondimwararisa, vachifara kwazvo sokunge vanoda kuzhanya varombo muchivande.
15
Makabvongodza gungwa namabhiza enyu, mvura yamafashafasha ine simba.
16
Ndinonzwa muviri wangu uchigwagwadza, miromo yangu ichidedereswa noruzha. Ndatyorwa mapfupa ini, kufamba ndava kungodhadharika. Ndichamirira chinyararire zuva renhamo richawira vanhu vanotirwisa.
17
Kunyange zvazvo mukuyu ukarega kupfumvudza, kunyange mugirepisi ukashaya michero kana pamuorivhi pakashaika michero mindawo isina kubereka chokudya zvipfuwo muzvirugu zvapera kufa mumatanga musisina mombe,
18
zvakadaro zvazvo ndichafara muna TENZI. Ndichafara naMwari muponesi wangu.
19
TENZI, Mwari ndiye simba rangu. Makumbo angu anoaita seemhara achindifambisa panzvimbo dzangu dzokumusoro. Izvi ndezvomuimbisi ane zvokuimbisa zvine tambo dzokuridza.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
All chapters:
1
2
3