bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Haggai 1
Haggai 1
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 2 →
1
Mugore rechipiri ramambo Dhariusi, mumwedzi wechitanhatu, pazuva rokutanga romwedzi shoko raTenzi rakauya nokunomuporofita Hagai kuna Zerubhabhero, mwanakomana waShearitieri mutongi wokwaJudha, uye kuna Joshuwa, mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru.
2
Zvanzi naTenzi wehondo nehondo: “Vanhu ava vanoti nguva ichigere kusvika yokuvakazve Temberi yaTenzi.”
3
Ndipo pakazouya shoko raTenzi nokunemuporofita Hagai richiti,
4
“Ndiyo nguva here iyoyi yokuti imi munogara zvenyu mudzimba dzakashongedzwa namapango akavezwa, imba iyi riri dongo?
5
Zvino zvanzi naTenzi wehondo nehondo, chimbofungaiwo mumwoyo menyu kuti zviri kukufambirai sei.
6
“Inga makadyara zvakawanda wani asi mukakohwa tushomanani, munodya zvenyu asi kuguta hamuguti, kunwa munonwa asi nyota yenyu haiperi; munopfeka asi hamudziirwi. Anotambira mubayiro nokusevenza kwake anotambirira kuuisa muhomwe yakabooka.
7
Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, chimbofungai zvenyu mumwoyo menyu kuti zviri kumbokufambirai sei.
8
Endai kumakomo mundotora mapango muvake imba iyoyi, ndichafadzwa nayo uye ndicharumbidzwa, ndizvo zviri kutaura Tenzi.
9
“Maitarisira kuva namaguta asi twakawanikwa twacho twushomanani. Pamakatwuunza kumusha, ini ndakatwupupurutsa. Pamusana peiko? Ndiwo mubvunzo una Tenzi wehondo nehondo. Chikonzero ndechokuti Temberi yangu inongova dongo zvaro mumwe nomumwe wenyu achimhanya mhanya nezvemba yake.
10
Ndokusaka mvura yarambira mudenga uye nyikawo isina chayakabereka.
11
Ndakarambidza mvura kunaya panyika napamakomo, napambesa, napamagirepisi matsva, napamiorivhi, uye nembeswa dzose dzinorimwa muvhu, napavanhu nepamombe, napazvinhu zvose zvavanorima.”
12
Ipapo Zerubhabhero mwanakomana waShearitieri, naJoshuwa mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru, nechitsama chavanhu chakanga chasara vakateerera shoko raTenzi Mwari wavo namashoko omuporofita Hagai sokutumwa kwaakanga aitwa naTenzi Mwari wavo. Vanhu vakatya Tenzi.
13
Zvino Hagai nhumwa yaTenzi, akataura kuvanhu aine shoko raTenzi achiti Tenzi ari kuti, “Ndinemi.” Ndizvo zviri kutaura Tenzi.
14
Tenzi akamutsa mwoyo waZerubhabhero, mwanakomana waShearitieri mutongi wokwaJudha, nemwoyo waJoshuwa mwanakomana waJehozadhaki mupristi mukuru, uyewo mwoyo yechitsama chavanhu vose vakasara vakauya vakashanda paTemberi yaTenzi wehondo nehondo, Mwari wavo
15
pazuva remakumi maviri nerechina romwedzi, mumwedzi wechitanhatu.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 2 →
All chapters:
1
2