bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Haggai 2
Haggai 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
1
Mugore rechipiri ramambo Dhariusi, pamwedzi wechinomwe pazuva ramakumi maviri nerimwechete shoko raTenzi rakauya nokunaHagai, muporofita richiti,
2
“Zvino taurira Zerubhabhero, mwanakomana waShearitieri mutongi wokwaJudha, uye Joshuwa mwanakomana waJehozadhaki, mupristi mukuru, uye chitsama chavanhu chose chakasara uti,
3
‘Pane mumwe here pakati penyu asara akaona kunaka kwakanga kwakaita Temberi iyi pakutanga, munoiona yakadii zvino izvi? Sokuonawo kwenyu handiti inenge chinhu pasina?’
4
Zvisinei hazvo, zvino tsunga mwoyo iwe Zerubhabhero, ndizvo zvinotaura Tenzi. Tsunga mwoyo Joshuwa mwanakomana waJehozadhaki mupristi mukuru. Tsungaiwo mwoyo imi vanhu vose venyika ndizvo zviri kutaura Tenzi. Zviri kunzi naTenzi wehondo nehondo, ‘Shandai nokuti ndinemi
5
sokukutsidzirai kwandakaita pamakabuda muIjipiti. Mweya wangu uri mamuri, musatye.’
6
“Chandinodariro ndechokuti, zvanzi naTenzi wehondo nehondo, ‘Kusati kwapera nguva ndefu ini ndichazunzazve matenga nenyika negungwa napasi pakaoma.
7
Ndichazunza marudzi ose avanhu zvokuti upfumi hwamarudzi ose huchauya ndigozadza Temberi ino norunako,’ ndizvo zviri kutaura Tenzi.
8
Mari ndeyangu, nendarama ndeyangu, ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo.
9
Runako rweTemberi iyi yeshure ruchava pamberi kupfuura yakare iya. Ndizvo zvinotaura Tenzi wehondo nehondo. Nzvimbo ino ndichaiita kuti ibudirire.”
10
Pazuva regumi nerechina romwedzi wechipfumbamwe, muri mugore rechipiri raDhariusi, shoko raTenzi rakauya nokunaHagai muporofita richiti,
11
“Zvanzi naTenzi wehondo nehondo bvunza vapristi mubvunzo uyu vakuudze kuti ndizvo here.
12
Iti, ‘Ko kana munhu akatakura nyama inoera mumukombero wehanzu dzake akazogumha nemukombero iwoyo chingwa, kana kuti bota, kana waini kana mafuta kana chokudya chipi nechipi zvacho, chinobva chava chinoera here?’ ” Vapristi vakati, “Kwete.”
13
Hagai ndokutizve, “Ko munhu anenge an'ora pamusana pokugunzva chitunha iye ozondogumha chimwe chaizvozvi izvi chinobva chan'ora here?” Vapristi vakati, “Chinon'ora.”
14
Hagai ndokuti, “Ndizvo zvimwechete navanhu ava, nerudzi urwu rwavanhu ruri pamberi pangu, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Ndizvo zvine basa ramaoko avo kanawo zvavanopira ipapo zvakan'ora.”
15
“Zvino momborangarira izvi mumwoyo menyu zvichaitika kubvira nhasi uno zvichienda mberi. Ko paTemberi iyi yaTenzi pasati paiswa dombo pamusoro perimwe zvaikufambirai sei.
16
Zvaiti kana munhu akaenda pamurwi unezviero makumi maviri aiwana paine gumi chete. Kana munhu aienda kuguvi rewaini kundochera zviero makumi mashanu aiwana muine makumi maviri chete.
17
Ndakakurovai neshamhu uye ndikarovawo basa ramunoita neshamu yechirwere, nechiundudzi nechimvuramahwe. Asi hamuna kudzokera kwandiri, ndizvo zviri kutaura Tenzi.
18
Chimbozvifungai kuti kubvira nhasi uno zviri kuenda mberi, kubvira pazuva rechimakumi maviri nechina romwedzi wechipfumbamwe, musi wacherwa ugaro hweTemberi yaTenzi imbozvifungaiwo
19
mune mbeu dzichiri mudura nanhasi handiti? Kusvikira pari nhasi mugirepisi nomuwonde nomupomegraniti, nomuorivhi hapana chairi kubereka handiti. Kubvira pari nhasi ndichakukomborerai.”
20
Shoko raTenzi rakauya rwechipiri kuna Hagai pazuva ramakumi maviri nerechina romwedzi richiti
21
taura kuna Zerubhabhero mutongi wokwaJudha uti, “Ndava kuzozunza matenga napasi.
22
Uye kuzoparadza umambo hwedzinyika, ndava kuda kuzoparadza simba reumambo hwamarudzi ndichikurira ngoro dzehondo nevanenge vakakwiramo, mabhiza acho navatasvi vawo vachati pasi rikiti kuwa vose zvavo vachiurayana namapakatwa.
23
Pazuva iroro, ndizvo zviri kutaurwa naTenzi wehondo nehondo ndichakutora iwe, Zerubhabhero, muranda wangu, mwanakomana weShearitieri, ndizvo zviri kutaura Tenzi ndikuite seringi rechidhindo nokuti ndakusarudza,” ndizvo zviri kutaura Tenzi.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
All chapters:
1
2