bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Joel 1
Joel 1
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
1
Shoko raTENZI iri rakauya kuna Joeri mwanakomana waPetueri richiti;
2
Inzwai munzwe izvi, imi vechikuru chikuru, rerekerai nzeve mose, imi vagari venyika iyi! Ko zvakadai izvi zvakamboitikawo here mumazuva enyu, kana mumazuva amadzibaba enyu?
3
Zvirondedzerei kuvana venyu, vana venyu vaudzewo vana vavo, vataurirewo chimwewo chizvarwa,
4
kuti zvakasiiwa nomuteteni, vana vemhashu, zvadyiwawo nehwiza dzegwatakwata; uye zvakasiyiwamo zvasiyiwawo nemhashu dzegute, zvadyiwawo nehwiza dzegwatakwata; uye zvakasiyiwa nehwiza dzegwatakwata zvadyiwa nemhashu dzinorozva.
5
Pepukai imi zvidhakwa muhwihwidze kuchema muridze mhere imi mose vanwi vewaini pamusana pewaini itsva nokuti maibvutirwa iri pamuromo.
6
Nokuti kwaita rudzi rwavanhu vauya kuzorwisa nyika yangu, rudzi rune simba rusingaverengeki. Mazino arwo, mazino eshumba chaiwo, mbangura dzamazino arwo anenge mazino eshumba hadzi.
7
Rwaparadza migirepisi yangu rukatsemura-tsemura mikuyu yangu. Rwakayikwatura ganda rayo rukarikanda pasi, matavi ayo akati ngwerewere kuchena.
8
Ungudzai semhandara yakapfeka masaga iri kuchema chikomba chayo chousikana.
9
Zvomupiro wembesanwa nomupiro wokuteura, pamba yaTENZI zvamiswa, vapristi vari kuchema, ivo vashandiri vaTENZI.
10
Minda yaparara, ivhu riri kuchema nokuti mbesanwa dzaparadzwa. Waini yavakupera mafuta eorivhi avakupwa.
11
Ngazvikudumbirei imi varimi veminda. Ridzai mhere vachengeti vemigirepisi, chemai koroni nebhari nokuti zvokukohwa mumunda zvaparara.
12
Mugirepisi wasvava, muonde warezuka. Mupomegiraneti nomurara nomuapuru nemiti yesango yose zvayo yauna. Rufaro muvanhu rwapera.
13
Pfekai masaga muungudze imi vapristi, hwihwidzai kuchema, imi vashandi vepaatari. Pindai murare makapfeka masaga imi vashandiri vaMwari wangu nokuti zvomupiro wembesanwa nomupiro wokuteura zvamiswa mumba yaMwari wenyu.
14
Tsaurai zuva rokutsanya kokerai musangano wezvokunamata muunganidze vakuru vakuru navagari vose zvavo venyika iyi kumba yaTENZI, Mwari wenyu mucheme kuna TENZI.
15
Hameno zvenyu nezuva iroro nokuti zuva racho raTENZI rava kusvika rinouya sezuva rokuparadza kwaSamasimbaose.
16
Handiti chokudya chatiperera takatarisa uye mhururu norufaro zvakatiperera mumba yaMwari wedu?
17
Mbeu dzakauna mumavhinga akaoma, mokuchengetera mbesa maparara matura angova matongo zvawo nokuti mbesa dzashayikwa.
18
Idzo mhuka rangove jemedzanwa! Matanga emombe azvishayira pazvo nokuti mafuro hapachisina kunyange namatangawo ehwai zvavakukangaidzikawo.
19
Ndochema kwamuri TENZI nokuti moto waririmisa mafuro erenje rimi romoto rapisa miti yose zvayo yesango.
20
Kana nemhukawo dzesango dziri kuchema kwamuri nokuti hova dzemvura dzaoma motowo wakarorormesa mafuro erenje.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3