bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Joel 3
Joel 3
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
1
“Ndinodaro nokuti, tarisai mumazuva iwayo, panguva iyoyo pandichadzosera pakare vokwaJudha neveJerusaremu makomborero avo,
2
ndichakokorodza ndudzi dzose dzavanhu ndidzidzikise kubani reJehoshafati ndigovagadza dare ikoko ndichiitira vanhu vangu, ivo nhaka yangu, Isiraeri, nokuti vakavamwararisa mukati memarudzi uye vakaganhura-ganhura zvavo nyika yangu.
3
Vakatoitirawo vanhu chi'ange; mukomana chaiye vachimutsinhanisa nepfambi; musikana vachimutengesa newaini vakatoinwa.
4
“Ndochii chamuri kundiitira ichochi? Nhaiwe Tire newe Sidhoni nemi matunhu ose avaFirisitia? Mune chamuri kunditsividza here? Kana kuti muri kunditsividza? Ndichakasikawo kuita kuti zviito zvenyu zvibva zvakupfukirai nenguva isipi
5
nokuti makatoraka imi sirivha yangu nendarama yangu mukatakura henyu upfumi hwangu hwakakosha kutemberi dzenyu.
6
Makatengesaka imi vanhu vokwaJudha neJerusaremu kuvaGiriki muchivaendesa kure nenyika yavo.
7
Asi zvino ndichavamutsa kuti vachibva kunzvimbo dzacho kwamakavatengesa uye ndichaita kuti mupfukirwe nezviito zvenyu.
8
Ndichatengesawo vana venyu vakomana navasikana kuvaJudha, ivowo vagovatengesa kuvanhu veSabia kurudzi rwokure nokuti TENZI ataura.
9
“Zivisai zvinhu izvi mukati memarudzi zvokuti, ‘Gadzirirai kurwa hondo, mutsai magamba mwoyo, varwi vehondo vose ngavaswedere padyo, ngavakwidze kuno.
10
Pfurai miromo yenyu yamagejo muiite mapakatwa mupfure zvigero zvenyu zvokupemhenesa kuita mapfumo. Ndonda ngaazvitiwo, ndiri gamba rehondo ini.
11
Itai chipatapata muuye, imi mose marudzi ari munharaunda'mu, unganidzanai ikoko. Burutsai magamba enyu ehondo imi TENZI.’ ”
12
“Marudzi ngaamuke akwire kubani reJehoshafati nokuti ikoko ndokwandichagadza dare marudzi ose omunharaunda'mu.
13
Pinzai jeko nokuti kukohwa kwasvika. Pindai mutsike-tsike nokuti mokusvinira waini machiti shutu kuzara. Makate ari kufashukira nokuti uipi hwavo hwakura.”
14
Gurumwandira, negurumwandira muBani rokutemera zvinofanira kuitwa nokuti zuva raTENZI roswedera muBani rokutemera zvinofanira kuitwa.
15
Zuva nemwedzi zvichaora kusviba nyenyedzi dzigorega kupenya.
16
Izvozvo TENZI achadzvova ari muguta reZioni achiburitsa izwi rake ari muJerusaremu matenga nenyika zvigondengendeka asi TENZI ndiye diziro ravanhu vake nhare chaiyo yokuhwanda hondo kuvanhu veIsiraeri.
17
Nezvo muchaziva kuti ndini TENZI, Mwari wenyu akaita musha wake muguta reZioni gomo rangu rinoera uye Jerusaremu richava guta rinoera. Vatorwa havazofazve vakatsikanomo.
18
Zvino pamusi iwoyo makomo achachucha waini inonaka zvikomo, zvichiyerera mukaka uye tukova twose twokwaJudha twuchayererawo mvura chitubu chichatubuka mumba yaTENZI chichindodiridza Bani reShitimu.
19
Ijipiti ichava renje zvaro Edhomu ichiva renje risina chinhu kutsivawo utsinye hwakaitwa kuvanhu vokwaJudha nokuti vakadeura ropa risina mhosva munyika yavo.
20
Asi nyika yokwaJudha ichagara vanhu nokusingaperi Jerusaremuwo ichagarwa pazvizvarwa zvose zvazvo.
21
Ndichatsividza ropa ravo uye handisi kuzombopembedza munhu ane mhosva, nokuti TENZI anogara muguta reZioni.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
All chapters:
1
2
3