bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jonah 3
Jonah 3
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 4 →
1
Ipapo shoko raTENZI rakauyazve kuna Jona rwepiri richiti,
2
“Sumuka uende kuNinivhe guta guru riya uriparidzire shoko randinokuudza.”
3
Saizvozvowo Jona akasimuka akaenda kuNinivhe sokutaura kwakanga kwaita TENZI. Zvino guta reNinivhe raiva guta rakakurisisa kwazvo rine upamhi hwaitoda rwendo rwamazuva matatu.
4
Jona akatanga kupinda muguta racho achifamba rwendo rwomuswere wezuva achidaidzira kuti, “Kwangosara mazuva makumi mana chete okuti Ninivhe iparadzwe.”
5
Vanhu veNinivhe vakatenda muna Mwari, kukadaidzirwa shoko rokuti vanhu ngavatsanye vapfeke masaga kubvira kuvakuruvakuru kusvikira kuvadikidiki.
6
Shoko racho iri rakazosvikawo kuna mambo weNinivhe akasimuka pachigaro chake choumambo ndokubvisa jasi rake ndokupfeka masaga ndokundogara kumadota.
7
Akabva adaidzira chirevo akachizivisa vanhu muNinivhe yose chokuti, “Nechirevo ichi chatemwa namambo pamwechete novokumba huru; ngaparege kuva nomunhu kana mhuka zvayo kunyange mombe kana chimwe chipfuwo zvacho chinoisa chinhu mukanwa, ngazvirege kana kunwa mvura.
8
Asi kutoti vanhu nemhuka ngavapfeke masaga acheme zvikuru kwazvo kuna Mwari. Munhu wose zvake ngaasiyane nenzira yake yakaipa akande pasi twaanobata-bata.
9
Ndianiko angazive, zvimwe Mwari angadzore mwoyo akarega kutivirukira nehasha dzake dzinotyisa kuti tirege kutsakatika.”
10
Mwari paakaona zvavakanga vaita izvi zvokukanda pasi kwavakaita maitiro avo akaipa, akazvidzora akarega kuvaonesa nhamo yaakanga ati achauyisa kwavari. Saka haana kuzozviita.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
Recommended Reading
Commentary
Jonah Commentaries
→
Devotional
Jonah Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→