bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jonah 4
Jonah 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
1
Asi izvi zvakagumbura Jona zvakanyanya zvikamushatirisa
2
akabva anamata kuna TENZI achiti: “Nhai imi TENZI, ko izvi hazvisirizvo here zvandakamboreva ndichiri kunyika yokwangu? Ndokusaka ndakakurumidza kutizira kuTashishi nokuti ndaizviziva kuti imi muri Mwari wengoni ane tsitsi uye asingakurumidzi kushatirwa azere nomwoyochena anozvidzora kune zvakaipa.
3
Saka naizvozvo ndapota TENZI ndiurayei zvenyu nokuti zviri nani kuti ndife zvangu pano kuti ndirarame.”
4
TENZI ndokubva ati, “Zvauri kuita izvi zvokushatirwa, zvakanaka here?”
5
Jona akabva abuda muguta iroro akandogara kumabvazuva kweguta iri. Akazvigadzirira musasa ikoko. Akagara hake pasi pawo mumumvuri achimirira kuona zvaizowira guta iroro.
6
Ipapo TENZI akameresa mupfuta akaukurisa pana Jona ukava mumvuri pamusoro pake kuti amufaranutse munhamo yake. Ipapo Jona akafadzwa zvikuru kwazvo nomupfuta wacho.
7
Kuzoti ramangwana acho mambakwedza, Mwari akatuma gonye rikaruma mupfuta uya ukabva wauna.
8
Zuva parakabuda, Mwari akatuma mhepo inopisa inobva kumabvazuva, zuvawo rikatumhisa musoro waJona zvokuti akafizuka, akakumbira kuti afe zvake achiti, “Zviri nani kuti ndife zvangu pano kuti ndirarame.”
9
Asi Mwari akati kuna Jona, “Zvauri kuita izvozvi zvokushatirirwa mupfuta zvakanaka here?” Iye akapindura achiti, “Zvokushatirwa zvandiri kuita zvakanaka, ndiri kutoshatirwa zvokufa.”
10
TENZI akati, “Unonzwira urombo mupfuta wausina kushandira zvako uye wausina kumboita kuti ukure. Wakavapo nousiku umwechete ukazopararawo nousiku humwechete.
11
Ini ndingarege here kunzwira tsitsi Ninivhe guta guru rina vanhu vanodarika zana namakumi maviri ezviuru vasingazivi kusiyanisa rudyi noruboshwe rwavo uyewo mune zvipfuwo zvakawanda.”
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
All chapters:
1
2
3
4
Recommended Reading
Commentary
Jonah Commentaries
→
Devotional
Jonah Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→