bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Nahum 2
Nahum 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
1
Muparadzi akuvinga chengetedzaika nhare yokuzvidzivirira nayo muhondo garirirai mumugwagwa sungai dzisimbe kokai simba renyu rose.
2
(Chikonzero ndechokuti Tenzi ari kudzosera pakare vokwaJakobho umambo soumambo hwokwaIsiraeri nokuti vapambi vakavarozva vakaparadza matavi avo).
3
Nhoo dzamagamba ake itsvuku varwi vake vehondo vakapfeka hanzu dzakati piriviri kutsvuka, ngoro dzacho dzehondo dzinovakuma serimi romoto dzaunganidzwa dzaronganiswa, varwi vemabhiza vorimbinyuka.
4
Ngoro dzacho dzehondo hero besanwa mumigwagwa dzichivhetemesewa kumhanya dzichipenya semwenje dzichipenya semheni.
5
Vakuru vakuru vanodaidzwa vanotatarika vachiendako, vanomhanyira kurusvingo varonganisa zvokuzvidzivirira nazvo.
6
Misuo yekurwizi yazarurwa muzinda wamambo, wadumbirwa nazvo.
7
Vahosi varo vapfekenurwa hanzu vaendwa navo vasikana vanovashandira vachiungudza vachichema senjiva. Vachizvirova chipfuva.
8
Ninivhe yakaita sedziva rine mvura yavhozhoka. Vanodaidzira kuti ngaimire ngaimire, asi hapana ari kudzokeramo.
9
Pambai sirivha. Pambai ndarama zvinhu zvavo hazviverengeki kana upfumi hwezvose zvinokosha.
10
Heko kuparara! Kuparara kuita dongo! Mwoyo yapera simba mabvi achirovana kudedera. Vanhu vose vaita musana, zviso zvese zvachiti surududu.
11
Riripiko zvino iro bako reshumba, bako reshumba ichiri kuzvinzwa, kwayaiuyisa nyama yayo kwaiva navana vayo pasina chinovakanganisa?
12
Shumba yacho yaibvamburira vana vayo nyama yakakwana ichidzipira hadzi yayo nyama; yaizadza mapako ayo nenyama uye mumba mayo nenyama yakadanzurwa-danzurwa.
13
Chinzwa, Tenzi wehondo nehondo ari kuti ndanangana newe zvino. “Ngoro dzako dzehondo ndichadzipwitititsa kupisa. Shumba dzako dzichiri kuzvinzwa dzicharozvwa nebakatwa. Ndichaparadza panyika nyama yako iyoyo uye mazwi enhumwa dzako haachazonzwikazve.”
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3