bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Nahum 3
Nahum 3
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
1
Zvakuwana iwe guta reropa! Guta rose rizere manyepo, rizerewo nezvinhu zvokupamba, kupamba kwacho kusingaperi!
2
Heko kurira kwetyava! Nokuvhiririka kwemavhiri nokukakatika kwamabhiza, nokunjanjarika kwengoro dzehondo.
3
Ivo varwi vamabhiza vachiuya kuzorwisa, vachivhevhetedza bakatwa nepfumo rinopenya. Vafi hero zararira, mirwi nemirwi yezvitunha, zvitunha zvisingaverengeki vachitogumburwa nezvitunha!
4
Zvose izvozvo izvo zvichikonzerwa noufeve husingatauriki hwechifeve yacho inoyevedza asi iine mazango anouraya. Inoisa ndudzi munhamo nohufeve hwayo ihwohwo ichiisawo mhuri dzavanhu kurufu namazango ayo.
5
Chinzwa, ini ndanangana newe, ndizvo zviri kutaura Tenzi wehondo nehondo. “Ndichakufugura marokwe ako kusvika kuuso hwako marudzi akuonerere.
6
Nyika dzikuonerere zvinonyadzisa zvako ndichakuti tsvina pororo ndikuite sechinhu chisina maturo uve chinhu chinokatyamadza.
7
Vose vachakuona vachakukanuka vachikusuduruka vachiti, ‘Ninivhe yaparara. Ndiani achaichemawo ndichaiwanira kupikowo vokuinyaradza.’ ”
8
Unokunda Tebhesi here iwe guta raive pedyo naNairi? Raive rakatenderedzwa nemvura gungwa riri iro rokuridzivirira mvura iri iyo rusvingo rwayo?
9
Itiopia ndiyo yaiva musimboti waro, ndoda Ijipiti zvakanga zvisina magumo Puti nevekuRibhia vaivawo vabatsiri varo.
10
Asi iyo yakatotorwa ikaenda kuutapwa pwere dzayo dzikapwatitsirwa pasi pakona yomugwagwa wose wose chin'ange chakakandirwa vanhu vayo vanoremekedzeka vakuru vakuru vayo vose vasungwa nengetani.
11
Newewo uchadhakwa zvokutonyatsokundwa chaizvo ugotsvaga kwokupotera wotiza zvino muvengi.
12
Maguta enyu etsvingo ose zvawo akaita semiti yemionde ine maonde okutanga kuibva, anoti kungoati zunzei anobva awira mukanwa momudyi.
13
Chiona zvikwata zvako zvavarwi vava vakadzi zvavo mukati mako. Misuo mikuru yenyika yako, yakatoti hayo haradada kuzarukira zvayo vavengi vako moto waroromesa zvihuri zvako.
14
Chitotekai mvura hondo zvayakukombai kudai simbaradzai zvokuzvidzivirira nazvo. Pindai mumatope! Kanyai ivhu! Batai zvikombore zvezvidhina!
15
Pachaita moto uchakuparadzai bakatwa richakutsakatisai richakuparadzai semhashu. Chizviwanzai semhashu muwande sevana vemhashu.
16
Wakawanza vanhu vako vemhindu dzokutengeserana kupfuura nyenyedzi dzedenga. Mhashu inotambanudza mapapiro ayo yobva yabhururuka kuenda kure.
17
Machinda ako akaita semhashu, nyanzvi dzako dzezvomutemo dzava kuita semhashu dzomhara zvadzo paruzhowa nezuva rakunenge kuchitonhora. Panobuda zuva idzo dzinobhururuka dzoenda kusina anoziva kwadzinenge dzaenda.
18
Vafudzi vako vakavata iwe mambo weAsiria kumbahuru kwako vakakotsira. Vanhu vako vapararira nomumakomo pasina anovakokorodza.
19
Wakuvara zvingarapike ronda rako rakaipisisa kwazvo. Vose zvavo vachanzwa nezvako vacharova makwa vachiitira iwe nokuti ndiani chaizvo asina kuwirwa nohuipi hwako husingaperi?
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
All chapters:
1
2
3