bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
1 Chronicles 11
1 Chronicles 11
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 12 →
1
Zvino VaIsiraeri vose vakaungana kuna Dhavhidhi paHebhuroni, vakati, “Tarirai, isu tiri mapfupa enyu nenyama yenyu.
2
Kare, kunyangwe Sauro akanga ari mambo, ndimi maibuda nokupinda naIsiraeri; Jehovha Mwari wenyu akati kwamuri, ‘Iwe uchafudza vanhu vangu VaIsiraeri, nokuva mutungamiriri waIsiraeri.’ ”
3
Naizvozvo vakuru vose VaIsiraeri vakaenda kuna mambo paHebhuroni, Dhavhidhi akaita sungano paHebhuroni pamberi paJehovha; ivo vakazodza Dhavhidhi, kuti ave mambo waIsiraeri, sezvakanga zvarehwa naJehovha nomuromo waSamueri.
4
Dhavhidhi naVaIsiraeri vose vakakwira Jerusaremu (ndiro Jebhusi); zvino VaJebhusi, vanhu venyika iyo, vakanga varipo.
5
Ipapo vanhu vaigara paJebhusi vakati kuna Dhavhidhi, “Haungapindi pano.” Asi Dhavhidhi akakunda nhare yaZioni; ndiro guta raDhavhidhi.
6
Ipapo Dhavhidhi akati, “Anotanga kubaya VaJebhusi ndiye achava mutungamiriri nomukuru wehondo.” Zvino Joabhu mwanakomana waZeruya akatanga kukwira, akaitwa mutungamiriri wehondo.
7
Dhavhidhi akagara panhare; naizvozvo vakaritumidza zita rinonzi guta raDhavhidhi.
8
Akavaka guta kumativi ose, kubva paMiro kusvikira kumativi ose; Joabhu akagadzira zvimwe zveguta.
9
Dhavhidhi akaramba achikura, nokuti Jehovha wehondo aiva naye.
10
Zvino ndivo vakuru vavarume vane simba vaiva naDhavhidhi, vaimusimbisa paushe hwake, pamwechete naVaIsiraeri vose, kuti vamugadze ave mambo, sezvakarehwa naJehovha pamusoro paIsiraeri.
11
Ndiko kuwanda kwavarume vane simba vaiva naDhavhidhi: Joshobheami mwanakomana wokuHakimoni, mukuru wavana makumi matatu; iye akasimudza pfumo rake akarwa navana mazana matatu, akavauraya nenguva imwe.
12
Akamutevera akanga ari Eriazari, mwanakomana waDhodho muAhohi, mumwe wavarume vatatu vaiva nesimba.
13
Iye akanga ana Dhavhidhi paPasidhamini; vaFirisitia vakanga vaunganapo kuzorwa pamunda wakanga uzere nebhari; vanhu vakatiza pamberi pavaFirisitia.
14
Vakamira pakati pomunda, vakaurwira, vakauraya vaFirisitia, Jehovha akavarwira nokukunda kukuru.
15
Zvino vatatu vavakuru vavana makumi matatu vakaburukira kudombo kuna Dhavhidhi kubako reAdhuramu; zvino hondo yavaFirisitia yakanga yadzika matende pamupata weRefaimu.
16
Zvino nenguva iyo Dhavhidhi akanga ari munhare, uye boka ravarwi vavaFirisitia raiva paBhetirehemu nenguva iyo.
17
Dhavhidhi akapanga, akati, “Haiwa! Dai mumwe achindipa mvura yetsime reBhetirehemu, riri pasuwo, ndinwe!”
18
Ipapo mhare idzo nhatu dzakapasanura napakati pehondo yavaFirisitia, vakandoteka mvura patsime reBhetirehemu, riri pasuwo, vakaitora, vakauya nayo kuna Dhavhidhi; asi Dhavhidhi wakaramba kuinwa, akaidururira kuna Jehovha,
19
akati, “Mwari wangu ngaandidzivise, ndirege kuita chinhu ichi! Ndinganwa ropa ravarume ava vakaenda vasingarangariri upenyu hwavo here? Nokuti vakauya nayo vasingarangariri upenyu hwavo.” Naizvozvo akaramba kuinwa. Ndizvo zvakaitwa nemhare idzo nhatu.
20
Abhishai munun'una waJoabhu, ndiye akanga ari mukuru wavatatu avo, nokuti akasimudza pfumo rake akarwa navana mazana matatu, akavauraya; akava nomukurumbira pakati pavatatu avo.
21
Pakati pavatatu ndiye wakanga ane mbiri kukunda vamwe vaviri, akava mukuru wavo; asi haana kuenzana navatatu vokutanga.
22
Bhenaya mwanakomana waJehoyadha, mwanakomana wemhare weKabhizeeri, akanga aita mabasa makuru, iye akauraya vanakomana vaviri vaArieri waMoabhu, akandourayawo shumba mukati mehunza panguva yechando.
23
Akaurayawo muIjipiti, murume akanga akakura kwazvo akasvika makubhiti mashanu; muIjipiti uyu akanga akabata pfumo muruoko rwake, asi iye akaburukira kwaari akabata tsvimbo, akabvuta pfumo muruoko rwomuIjipiti, akamuuraya nepfumo rake iro.
24
Zvinhu izvi zvakaitwa naBhenaya mwanakomana waJehoyadha, akanga akakurumbira pakati pemhare idzo nhatu.
25
Tarirai, iye akanga ane mbiri kukunda vana makumi matatu, asi haana kuenzana navatatu vokutanga. Dhavhidhi akamuita mutariri wavarindi vake.
26
Mhare dzehondo dzaiva: Ashaheri munun'una waJoabhu, naErihanani mwanakomana waDhodho weBhetirehemu;
27
naShamoti muHarodhi, naHerezi muPeroni;
28
naIra mwanakomana waIkeshi muTekoite, naAbhiezeri muAnatoti;
29
naSibekai muHushati, naIrai muAhohi;
30
naMakarai muNetofati, naHeredhi mwanakomana waBhaana muNetofati;
31
naItai mwanakomana waRibhai weGibhia wavana vaBhenjamini, naBhenaya muPiratoni;
32
naHurai wehova dzeGaashi, naAbhieri muAribhati;
33
naAzimavheti muBhaharumiti, naEriyabha muShaaribhoni;
34
navanakomana vaHashemi muGizoni, naJonatani mwanakomana waShage muHarari,
35
naAhiami mwanakomana waSakari muHarari, naErifari mwanakomana waUri;
36
naHeferi muMekerati, naAhiya muPeroni;
37
naHezero muKarimeri, naNaarai mwanakomana waEzibha;
38
naJoeri munun'una waNatani, naMibhari mwanakomana waHagiri;
39
naZereki muAmoni, naNaharai muBheroti, mubati wenhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu mwanakomana waZeruya;
40
naIra muItiri, naGarebhi muItiri;
41
naUriya muHiti, naZabhadhi mwanakomana waArai;
42
naAdhina mwanakomana waShiza muRubheni, mukuru wavaRubheni, navana makumi matatu naye;
43
naHanani mwanakomana waMaaka, naJoshafati muMitini;
44
naUziya muAshiterati, naShama naJeyieri vanakomana vaHotami muAroeri;
45
naJedhiaeri mwanakomana waShimiri, naJoha munun'una wake, muTizi;
46
naErieri muMahavhi, naJeribhai, naJoshavhia, vanakomana vaErinaami, naItima muMoabhu;
47
naErieri, naObhedhi, naJaasieri muMezobha.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29