bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
2 Thessalonians 1
2 Thessalonians 1
Shona SUB 2002 Bible
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
1
Pauro, naSirivhano, naTimoti, kuchechi yaVaTesaronika muna Mwari Baba vedu, naIshe Jesu Kristu.
2
Nyasha ngadzive nemi, norugare runobva kuna Mwari Baba, naIshe Jesu Kristu.
3
Tinofanira kuvonga Mwari nguva dzose pamusoro penyu, hama dzangu, sezvazvakafanira, nokuti kutenda kwenyu kunokura kwazvo, norudo rwenyu mose, mumwe nomumwe kuna vamwe, runowanda;
4
nokudaro isu timene tinozvirumbidza mamuri pachechi dzaMwari pamusoro pokutsungirira kwenyu, nokutenda kwenyu mukutambudzika kwenyu kwose nenhamo dzose dzamunadzo.
5
Ndizvo zvinoratidza kutonga kwakarurama kwaMwari; kuti mugonzi makafanirwa noushe hwaMwari hwamunotambudzikirawo;
6
zvakarurama kuna Mwari, kuti atsive nokutambudzika ivavo vanokutambudzai;
7
nemi munotambudzwa, kuti mupiwe kuzorora pamwechete nesu pakuonekwa kwaIshe Jesu, kana achibva kudenga navatumwa vesimba rake,
8
mumoto unopfuta, achitsiva avo vasingazivi Mwari, navasingateereri Vhangeri yaIshe wedu, Jesu;
9
ivo vacharohwa nokuparadzwa kusingaperi, kuti vabve pamberi paIshe, napakubwinya kwesimba rake,
10
kana achiuya kuzorumbidzwa muvatsvene vake, nokukanukirwa muna vose vanotenda nezuva irero; (nokuti kupupura kwedu kwamuri kwakatendwa).
11
Naizvozvo tinokunyengetereraiwo nguva dzose, kuti Mwari wedu ati, makafanirwa nokudanwa kwenyu, akwanise nesimba rake kuda kwenyu kwose kuita zvakanaka namabasa ose okutenda;
12
kuti zita raIshe wedu Jesu rirumbidzwe mamuri, nemi maari, sezvadzakaita nyasha dzaMwari wedu nedzaIshe Jesu Kristu.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3