bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
2 Thessalonians 3
2 Thessalonians 3
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
1
Pakupedzisira, hama dzangu, mutinyengeterere, kuti shoko raIshe ripfuure, rikudzwe, sezvazvinoitwa kwenyuwo;
2
uye, kuti tisunungurwe kuvanhu vasakarurama, vakaipa; nokuti havazi vose vanotenda.
3
Asi Ishe ndiye akatendeka, achakusimbisai, nokukuchengetai kune wakaipa.
4
Tinokutendai muna Ishe, kuti munoita, uye mucharamba muchiita, izvo zvatinokurayirai.
5
Ishe ngaaruramise mwoyo yenyu murudo rwaMwari, nomukutsungirira kwaKristu.
6
Zvino, hama dzangu, tinokurairai nezita raIshe wedu Jesu Kristu, kuti mubve pahama imwe neimwe isingafambi netsika dzakafanira, isingateereri mirairo yamakapiwa nesu;
7
nokuti imi munoziva mumene, kuti munofanira kutitevera isu, nokuti hatina kufamba netsika dzisakafanira pakati penyu;
8
hatina kutongodya zvokudya zvomunhu tisingaripi, asi takabata basa usiku namasikati, tichitambudzika nokushingaira, kuti tirege kuremedza mumwe wenyu;
9
hakuzi kuti hatine simba, asi kuti tikutungamirirei, mutitevere.
10
Nokuti, nenguva yataiva kwamuri, takakurairai izvozvo, kuti, “Kana munhu achiramba kubata basa, ngaarege kudyawo.”
11
Nokuti tinonzwa kuti vamwe pakati penyu havafambi netsika dzakafanira, vasina chavanobata, vasingaregi zvavamwe.
12
Vanhu vakadaro tinovarayira nokukumbira kwavari muna Ishe Jesu Kristu, kuti vabate nokunyarara, vadye zvokudya zvavo zvimene.
13
Asi imi, hama dzangu, musaneta pakuita zvakanaka.
14
Kana pano munhu asingateereri shoko redu remutsamba iyi, mutarisise munhu uyo, kuti murege kufambidzana naye, anyadzwe.
15
Regai henyu kumuedza muvengi, asi mumurayire sehama.
16
Zvino, Ishe worugare amene ngaakupei rugare misi yose nemitoo yose. Ishe ngaave nemi mose.
17
Ndiko kukwazisa kwangu, ini Pauro, noruoko rwangu, ndicho chiratidzo patsamba dzose; ndinonyora kudai.
18
Nyasha dzaIshe wedu Jesu Kristu ngadzive nemi mose.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
All chapters:
1
2
3