bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
2 Timothy 1
2 Timothy 1
Shona SUB 2002 Bible
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 2 →
1
Pauro, mupostori waKristu Jesu, nokuda kwaMwari, nokuda kwechipikirwa choupenyu huri muna Kristu Jesu
2
kuna Timoti, mwana wangu anodikanwa: Nyasha, nengoni, norugare, zvinobva kuna Mwari Baba, naKristu Jesu, Ishe wedu, ngazvive newe.
3
Ndinovonga Mwari, wandinoshumira samadziteteguru angu, nehana yakachena, kana ndichiramba ndichikurangarira pakukumbira kwangu usiku namasikati,
4
ndichishuva zvikuru kukuona, ndichirangarira misodzi yako, kuti ndizadzwe nomufaro;
5
ndichiyeuchidzwa kutenda kusinganyengeri kuri mauri, kwaimbogara muna mbuya vako nomuna mai vako, vaJuniki, kwandinoziva kwazvo kuti kunogarawo mauri.
6
Nemhaka iyi ndinokuyeuchidza kuti ukuchidzire chipo chaMwari chiri mauri nokuiswa kwamaoko angu.
7
Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya, asi wesimba, noworudo, nowokuzvidzora.
8
Naizvozvo usanyadziswa nokupupurira Ishe wedu, kana ini, musungwa wake, asi utambudzike pamwechete neni nokuda kweVhangeri nesimba raMwari,
9
akatiponesa, akatidana nokudana kutsvene, zvisingabvi pamabasa edu, asi nokufunga kwake, nenyasha dzaakatiitira muna Kristu Jesu nguva dzisati dzavapo,
10
asi kwakaratidzwa zvino nokuonekwa kwoMuponesi wedu, Kristu Jesu, iye akaparadza rufu, akabudisa pachena upenyu nokusaora nenzira yeVhangeri,
11
yandakaitwa muparidzi, nomupostori, nomudzidzisi wayo.
12
Nemhaka iyi ndinotambudzikawo nezvinhu izvi, asi handinyadziswi, nokuti ndinoziva wandakatenda, ndinoziva kwazvo kuti anogona kuchengeta chandakamupa kusvikira zuva irero.
13
Batisisa zvawakaratidzwa zvamashoko akarurama, izvo zvawakanzwa kwandiri mukutenda norudo ruri muna Kristu Jesu.
14
Icho chakanaka, chawakapiwa, uchichengete naMweya Mutsvene anogara matiri.
15
Unozviziva hako kuti vose vari paEzhia vakandifuratira; pakati pavo pana Figero naHerimogene.
16
Ishe ngaaitire imba yaOnesiforo ngoni, nokuti kazhinji akandisimbisa, asinganyadziswi neketani yangu.
17
Asi akati asvika Roma, akanditsvaka zvikuru, akandiwana.
18
(Ishe ngaamuitire chinhu ichi kuti awane ngoni kuna Ishe nezuva irero); newe unoziva kwazvo ukuru hwokushumira kwake paEfeso.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4