bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
2 Timothy 2
2 Timothy 2
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 3 →
1
Naizvozvo iwe, mwana wangu, iva nesimba munyasha dziri muna Kristu Jesu.
2
Izvo zvawakanzwa kwandiri pamberi pezvapupu zvizhinji, uzvipe vanhu vakatendeka, vanogonawo kudzidzisa vamwe.
3
Utambudzike pamwechete neni, somurwi wakanaka waKristu Jesu.
4
Hakuna munhu anorwa papfumo anozvipinganidza namabasa oupenyu huno, kuti agone kufadza uyo wakakokera kuhondo.
5
Nemunhuwo kana achivhivhana navamwe, haashongedzwi korona, kana asina kuvhivhana sezvakarayirwa.
6
Murimi anobata basa ndiye anofanira kutanga kudya zvibereko.
7
Funga zvandinoreva, nokuti Ishe achakupa kunzwisisa pazvinhu zvose.
8
Rangarira Jesu Kristu akamuka kuvakafa, worudzi rwaDhavhidhi, sezvandinoparidza neVhangeri yangu;
9
yandinotambudzikira kusvikira pakusungwa somunyangadzi; asi shoko raMwari harina kusungwa.
10
Saka ndinotsungirira pazvinhu zvose nokuda kwavakasanangurwa, kuti naivo vawane kuponeswa kuri muna Kristu Jesu, pamwechete nokubwinya kusingaperi.
11
Ishoko rechokwadi; “Nokuti kana tikafa pamwechete naye tichararamawo pamwechete naye.
12
Kana tikatsungirira, tichabata ushe pamwechete naye; kana tikamuramba, iye achatirambawo.
13
Kana isu tisakatendeka iye anoramba akatendeka, nokuti haangazvirambi iye.”
14
Uvayeuchidze zvinhu izvi, uvarayire pamberi paMwari, kuti varege kuita nharo zvisina maturo, zvinongoparadza vanonzwa.
15
Shingaira kuti uzviratidze pamberi paMwari uri munhu akatendeka, mubati asingafaniri hake kunyadziswa, anonatsa kururamisa shoko rechokwadi.
16
Nzvenga kutaura kusina hanya naMwari; nokuti vanhu vacharamba vachingonyanya pakusanamata Mwari,
17
neshoko ravo richanyenga seronda; pakati pavo kuna Himenayo naFireto;
18
ivo vakarasika pachokwadi, vachiti, kumuka kwavakafa kwatopfuura, vachikanganisa kutenda kwavamwe.
19
Kunyangwe zvakadaro, nheyo dzakasimba dzaMwari dzinomira, dzine chisimbiso ichi, “Ishe anoziva vanhu vake;” uye “Mumwe nomumwe anoreva zita raIshe ngaabve pakusarurama.”
20
Zvino muimba huru hamuna midziyo yendarama neyesirivha bedzi, asi mimwe yamatandawo, neyevhu; mimwe inokudzwa, mimwe isingakudzwi.
21
Naizvozvo kana munhu achizvinatsa kwazvo pazvinhu izvi, achava mudziyo unokudzwa, wakaitwa mutsvene, wakakwanira basa raTenzi, wakagadzirirwa mabasa ose akanaka.
22
Asi tiza kuchiva kwoujaya, uvinge kururama, nokutenda, norudo, norugare, pamwechete navanodana kuna Ishe nomwoyo wakachena.
23
Asi urambe mibvunzo youpenzi nokusaziva, uchiziva kuti zvinobereka kukakavara.
24
Zvino muranda washe haafaniri kukakavara, asi ave munyoro kuvanhu vose, anoziva kudzidzisa, anotsungirira pakuitirwa zvakaipa,
25
anodzidzisa nounyoro avo vanomudzivisa, kuti zvimwe Mwari avape kutendeuka vagoziva chokwadi,
26
vapengenukezve, vabve pamusungo waDhiabhori, wavakanga vakabatwa naye kuti vaite kuda kwake.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4