bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Exodus 32
Exodus 32
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 33 →
1
Zvino vanhu vakati vachiona kuti Mosesi wononoka kuburuka mugomo, vakaungana kuna Aroni, vakati kwaari, “Simuka, utiitire vamwari vangatitungamirira, nokuti kana ari Mosesi uyu, uya munhu wakatibudisa munyika yeIjipiti, hatizivi chakaitika naye.”
2
Zvino Aroni akati kwavari, “Gurai zvindori zvendarama zviri panzeve dzavakadzi venyu nedzavanakomana venyu navanasikana venyu, muuye nazvo kwandiri.”
3
Zvino vanhu vose vakagura zvindori zvendarama zvakanga zviri panzeve dzavo, vakauya nazvo kuna Aroni.
4
Iye akazvigamuchira pamaoko avo, akazviveza nenhumbi yokuveza nayo, akaita nazvo mhuru yakaumbwa. Ivo vakati, “Ndivo vamwari venyu, imi VaIsiraeri, vakakubudisai munyika yeIjipiti.”
5
Zvino Aroni wakati achizviona, akavaka atari pamberi payo, Aroni akadanidzira, akati, “Mangwana mutambo uchavapo kuna Jehovha.”
6
Vakafumira mangwanani, vakapisira zvipiriso zvinopiswa, vakauyawo nezvipiriso zvokuyananisa, vanhu vakagara pasi, vakadya nokunwa, vakasimuka, vakatamba.
7
Zvino Jehovha akataura naMosesi akati, “Enda, buruka, nokuti vanhu vako, vawakabudisa munyika yeIjipiti, vazvitadzira.
8
Vakurumidza kutsauka panzira yandakavaraira, vakazviitira mhuru yakaumbwa, vakainamata, vakaibayira zvibairo, vachiti, ‘Ndivo vamwari venyu, imi VaIsiraeri, vakakubudisai munyika yeIjipiti.’ ”
9
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Ndatarira vanhu ava, ndaona kuti vanhu vane mitsipa mikukutu;
10
naizvozvo zvino ndirege hako, kuti shungu dzangu dzivamukire, ndivapedze, ndikuite iwe rudzi rukuru.”
11
Ipapo Mosesi akakumbira kuna Jehovha Mwari wake akati, “Haiwa, Jehovha, shungu dzenyu dzingagomukireiko vanhu venyu, vamakabudisa munyika yeIjipiti nesimba guru uye noruoko rune simba.
12
VaIjipiti vangazoreva seiko vachiti, ‘Wakavabudisira kune zvakaipa, kuti avauraye mumakomo, nokuvaparadza panyika?’ Dzorai shungu dzenyu huru, muzvidembe pamusoro pokuitira vanhu venyu zvakaipa zvakadai.
13
Rangarirai henyu Abhurahamu, naIsaka, naIsiraeri, varanda venyu, vamakazvipikira mumene, mukati kwavari, ‘Ndichawanza vana venyu senyenyedzi dzokudenga, nenyika yose iyi, yandakareva, ndichaipa vana venyu, vaigare nhaka nokusingaperi.’ ”
14
Zvino Jehovha akazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakanga achifunga kuitira vanhu vake.
15
Zvino Mosesi akatendeuka, akaburuka pagomo, ana mahwendefa maviri echipupuriro muruoko rwake; mahwendefa akanga akanyorwa nhivi dzawo dzose, akanga akanyorwa seri neseri.
16
Mahwendefa iwayo rakanga riri basa raMwari, norunyoro rwakanga ruri runyoro rwaMwari, rwakanga rwakatemwa pamahwendefa.
17
Zvino Joshua wakati achinzwa mhere–mhere yavanhu vanopururudza, akati kuna Mosesi, “Kune mhere–mhere yokurwa kumisasa.”
18
Iye akati, “Haazi mazwi avanhu vanodanidzira pakukunda kwavo, kana Mazwi avanhu vanodanidzira pakukundwa kwavo; asi ndinonzwa mhere–mhere yavanhu vanoimba.”
19
Zvino wakati aswedera kumisasa, akaona mhuru nokutamba. Ipapo shungu dzaMosesi dzikamuka, akakanda mahwendefa aiva mumaoko pasi, akaaputsa mujinga megomo.
20
Akatora mhuru yavakanga vaita, akaipisa nomoto, akaikuya ikaita upfu, akaikanda mumvura, ndokunwisa VaIsiraeri izvozvo.
21
Mosesi akati kuna Aroni, “Vanhu ava vakakuitireiko, zvawauyisa chivi ichi chikuru pamusoro pavo?”
22
Aroni akati, “Shungu dzashe wangu ngadzirege kumuka hadzo; munoziva vanhu ava, kuti vanongoda kutadza.
23
Nokuti vakati kwandiri, ‘Tiitirei vamwari vangatitungamirira, nokuti kana ari Mosesi uyu, munhu uya wakatibudisa munyika yeIjipiti, hatizivi chakaitika naye.’
24
Ndikati kwavari, ‘Ani naani une ndarama, ngaaigure;’ zvino vakandipa, ndikaikandira mumoto, mhuru iyi ikabudamo.”
25
Zvino Mosesi wakati aona kuti vanhu varasa Jehovha, nokuti Aroni wakanga avarasisa, kuti vasekwe navavengi vavo,
26
Mosesi akandomira musuwo remisasa, akati, “Ani naani ari kurutivi rwaJehovha, ngaauye kwandiri.” Vana vaRevhi vose vakaungana kwaari.
27
Akati kwavari, “Zvanzi naJehovha Mwari waVaIsiraeri, ‘Mumwe nomumwe wenyu ngaasungire munondo wake pachidya chake, mufambe–fambe muchibva pane rimwe suwo muchienda kune rimwe suwo pakati pemisasa, mumwe nomumwe auraye hama yake, nomumwe nomumwe shamwari yake, nomumwe nomumwe munhu wokwake.’ ”
28
Vana vaRevhi vakaita sezvakanga zvarehwa naMosesi; nomusi iwoyo vakafa pakati pavanhu vanenge vane zviuru zvitatu.
29
Zvino Mosesi akati, “Zviparadzanisei nhasi kuna Jehovha, kuti munhu mumwe nomumwe arwe nomwanakomana wake uye nehama yake, kuti akuropafadzei nhasi.”
30
Zvino fume mangwana Mosesi akati kuvanhu, “Imi makatadza nokutadza kukuru, asi zvino ini ndichakwira kuna Jehovha, zvimwe ndingayananisira zvivi zvenyu.”
31
Mosesi akadzokera kuna Jehovha, akati, “Haiwa, vanhu ava vakatadza nokutadza kukuru, vakazviitira vamwari vendarama;
32
zvino dai muchivakanganwira henyu zvivi zvavo; asi kana musingadi henyu, ndidzimei pabhuku renyu ramakanyora.”
33
Jehovha akati kuna Mosesi, “Uyo wakanditadzira, ndiye wandichadzima pabhuku rangu.
34
Zvino chienda, uperekedze vanhu vaende kwandakavaudza; tarira, mutumwa wangu achakutungamirira; asi nomusi wandicharova nawo, ndichavarova nokuda kwezvivi zvavo.”
35
Jehovha akarova vanhu nedenda, nokuti vakanga vaumbisa Aroni chimhuru chendarama.
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 33 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40