bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Exodus 4
Exodus 4
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 5 →
1
Zvino Mosesi akapindura akati, “Asi tarirai, havanganditendi, kana kuteerera izwi rangu, nokuti vachati, ‘Jehovha haana kuzviratidza kwauri.’ ”
2
Jehovha akati kwaari, “Chiiko icho chiri muruoko rwako?” Akati, “Itsvimbo.”
3
Akati, “Ikandire pasi.” Akaikandira pasi, ikashanduka kuva nyoka, Mosesi akaitiza.
4
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi, “Tambanudza ruoko rwako, uibate parumhinda; (iye akatambanudza ruoko rwake, akaibata, ikashanduka kuva tsvimbo muruoko rwake);
5
kuti vatende kuti ndini Jehovha, Mwari wamadzibaba avo, Mwari waAbhurahamu, naMwari waIsaka, naMwari waJakobho, akazviratidza kwauri.”
6
Jehovha akatiwo kwaari, “Isa ruoko rwako muchipfuva chako.” Akaisa ruoko rwake muchipfuva chake; zvino akati achirubvisa, onei ruoko rwake rwava namaperembudzi rwati mbembe sechando.
7
Akati, “Isa ruoko rwako muchipfuva chakozve. (Iye akaisa ruoko rwake muchipfuva chakezve; zvino akati achirubvisa muchipfuva chake, onei rwashandukazve senyama yake.)
8
Zvino kana vachiramba kukutenda, kana kuteerera izwi rechiratidzo chokutanga, vachatenda izwi rechiratidzo chechipiri.
9
Zvino kana vachiramba kutenda zviratidzo izvo zviviri, kana kutenda izwi rako, uchere mvura yomurwizi, uidururire pakaoma, ipapo mvura yawachera ichashanduka ropa ipapo pakaoma.”
10
Zvino Mosesi akati kuna Jehovha, “Haiwa, Jehovha, handizi munhu anogona kutaura zvakanaka, kunyangwe zuro, kana zuro riya, kana kubva panguva yamakataura nomuranda wenyu; nokuti ndiri munhu anomuromo usingagoni norurimi rusingagoni.”
11
Jehovha akati kwaari, “Ndianiko akaita muromo womunhu, ndianiko anoita mbeveve kana matsi, kana anoona, kana bofu? Ko handizi Jehovha here?
12
Naizvozvo zvino chienda, ini ndichava muromo wako, ndikudzidzise zvaunofanira kutaura.”
13
Iye akati, “Haiwa, Ishe, tumai henyu wamunoda kutuma naye.”
14
Zvino kutsamwa kwaJehovha kwakamukira Mosesi, akati, “Ko Aroni, mukoma wako, muRevhi, haapo here? Ndinoziva kuti iye anogona kutaura kwazvo. Zvino tarira, wotobuda kusangana newe; kana achikuona achafara mumwoyo make.
15
Utaure naye, ugoisa mashoko mumuromo make; ini ndichava nomuromo wako, uye nomuromo wake, ndikudzidzisei zvamunofanira kuita.
16
“Iye achataura navanhu panzvimbo yako, agova muromo wako, iwe uchava saMwari kwaari.
17
Zvino tora tsvimbo iyi muruoko rwako, ugoita zviratidzo nayo.”
18
Zvino Mosesi akaenda, akadzokera kuna Jeturo, mukarabwe wake, akati kwaari, “Donditenderai henyu kuenda, ndidzokere kuhama dzangu Ijipiti, ndindoona kana vachiri vapenyu.” Jeturo akati kuna Mosesi, “Enda hako norugare.”
19
Zvino Jehovha akati kuna Mosesi paMidhiani, “Enda, udzokere Ijipiti, nokuti vanhu vose vaitsvaka kukuuraya vakafa.”
20
Ipapo Mosesi akatora mukadzi wake navana vake vavakomana, akavatasvisa pambongoro, akadzokera kunyika yeIjipiti; Mosesi akatora tsvimbo yaMwari muruoko rwake.
21
Jehovha akati kuna Mosesi, “Kana wodzokera Ijipiti, chenjera kuti uite pamberi paFarao zvishamiso zvose zvandaisa muruoko rwako; asi ndichaomesa mwoyo wake, kuti arege kutendera vanhu kuenda.
22
Zvino unoti kuna Farao, ‘Zvanzi naJehovha, Isiraeri, mwanakomana wangu, idangwe rangu’;
23
ndakati kwauri, ‘Tendera mwanakomana wangu kuenda andinamate’; iwe ukaramba kumutendera; zvino tarira ndichauraya mwanakomana wako wedangwe.”
24
Zvino vachiri panzira, pavakanga vavata, Jehovha akasangana naye, akatsvaka kumuuraya.
25
Ipapo Zipora akatora ibwe rinopinza, akacheka rukanda rwapamberi rwomwanakomana wake, akarukanda patsoka dzake akati, “Zvirokwazvo, kwandiri uri murume weropa.”
26
Naizvozvo akamurega. Ipapo akati, “Uri murume weropa nokuda kwokudzingiswa.”
27
Zvino Jehovha akati kuna Aroni, “Enda kurenje unosangana naMosesi.” Iye akaenda, akandosangana naye pagomo raMwari, akamutsvoda.
28
Ipapo Mosesi akaudza Aroni mashoko ose aJehovha, aakanga amutuma nawo, nezviratidzo zvose zvaakanga amuraira.
29
Mosesi naAroni vakaenda, vakaunganidza vakuru vose vavana VaIsiraeri.
30
Aroni akataura mashoko ose akataurwa naJehovha kuna Mosesi, akaita zviratidzo pamberi pameso avanhu.
31
Vanhu vakatenda; zvino vakati vanzwa kuti Jehovha washanyira vana VaIsiraeri, akaona kunetswa kwavo, vakakotamisa misoro yavo, vakanamata Jehovha.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40