bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Job 7
Job 7
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 8 →
1
Ko munhu haatambudziki here pabasa panyika? Mazuva ake haana kufanana namazuva omubatiri here?
2
Somuranda anoshuva mumvuri, Nomubatiri anotarira mubairo wake;
3
Saizvozvo ini ndakapiwa mwedzi isina maturo, Ndakatarirwa usiku hwenjodzi.
4
Kana ndovata, ndinoti, “Ndichamuka rinhiko?” Asi usiku hwakareba; Ndinoramba ndichishanduka–shanduka kusvikira kwoedza.
5
Nyama yangu yakafukidzwa nehonye namavhinga evhu; Ganda rangu rinofunuka, richiputika hurwa.
6
Mazuva angu anokunda chirukiso chomuruki pakukurumidza, Anopera ndisine tariro.
7
Rangarirai henyu kuti upenyu hwangu imhepo hayo; Ziso rangu harichazooni zvakanaka.
8
Ziso romunhu unondiona harichazonditaririzve; Meso ako achanditarira, asi handichazovepo.
9
Sokupera kwegore nokunyangarika kwaro, Saizvozvo munhu, anoburukira kuSheori, haangazokwirizve.
10
Haangazodzokeri kumba kwake, Nenzvimbo yake haingazomuzivi.
11
Saka handinganyarari nomuromo wangu; Ndichataura pakutambudzika kwomweya wangu; Ndichanyunyuta neshungu dzangu dzomwoyo.
12
Ndiri gungwa kanhi, kana zimhuka regungwa, Zvamunoisa vanondirindira?
13
Kana ndikati, “Nhoo yangu ichandinyaradza, Mubhedha wangu uchazorodza kunyunyuta kwangu;”
14
Ipapo mondivhundusa nokurota hope, Mondityisa nezvandinoona;
15
Naizvozvo mwoyo wangu unotsaura kudzipwa, Nokufa kupfuura mapfupa angu awa.
16
Ndinosema upenyu hwangu; handidi kurarama nokusingaperi; Ndiregei; nokuti mazuva angu akafanana nokufema.
17
Munhu chiiko, zvamunomukudza, Nokumuda nomwoyo wenyu wose,
18
Zvamunomushanyira mangwanani ose, Nokumuidza nguva dzose?
19
Mucharega rinhiko kundicherechedza, Nokundirega kusvikira ndamedza mate angu?
20
Kana ndichinge ndatadza, ndingakuiteiko imi, mucherekedzi wavanhu? Makandiitireiko chinhu chamunovavarira, Kuti ini ndizviremedze?
21
Munoregereiko kukanganwira kudarika kwangu, nokubvisa kutadza kwangu? Nokuti zvino ndichavata pasi muguruva; Muchanditsvaka zvikuru, asi handichazovepo.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42