bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Jonah 3
Jonah 3
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 4 →
1
Zvino shoko raJehovha rakasvika rwechipiri kuna Jona, richiti,
2
“Simuka, uende Ninivha, riya guta guru, undoriparidzira zvandichakuraira kuti uparidze.”
3
Ipapo Jona akasimuka, akaenda Ninivha, sezvaakarairwa neshoko raJehovha. Zvino Ninivha raiva guta guru–guru, rwendo rwamazuva matatu kupfuura nomo.
4
Jona akatanga kupinda muguta, achifamba rwendo rwezuva rimwe, akadana, achiti, “Kwasara mazuva makumi mana, ipapo Ninivha richaparadzwa.”
5
Vanhu veNinivha vakatenda Mwari, vakatara nguva yokuzvinyima zvokudya, vakafuka masaga, kubva kuvakuru pakati pavo kusvikira kuvaduku pakati pavo.
6
Shoko rikasvika kuna mambo weNinivha, akasimuka pachigaro chake choushe, akabvisa nguo yake, akafuka saga, nokugara mumadota.
7
Akaraira, akaparidza muNinivha rose chirevo chamambo nechavakuru vake achiti, “Vanhu kana zvipfuwo, kana mombe kana makwai, ngazvirege kutongoravira chinhu, ngazvirege kufura kana kunwa mvura;
8
asi vanhu nezvipfuwo ngazvifukidzwe masaga, ngavadane kuna Mwari nesimba; ngavatendeuke mumwe nomumwe panzira yake yakaipa napakuita nesimba namaoko ake.
9
“Ndianiko angaziva, zvimwe Mwari ungadzoka akazvidemba, akadzoka pakutsamwa kwake kukuru, tikarega kuparadzwa?”
10
Mwari akaona zvavakaita, kuti vakatendeuka panzira yavo yakaipa, Mwari akazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakati ndichavaitira; akasazviita.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4