bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Jonah 4
Jonah 4
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
1
Asi zvakaodza mwoyo waJona kwazvo, akatsamwa.
2
Akanyengetera Jehovha, akati, “Aiwa, Jehovha, handizvo zvandakataura, ndichiri munyika yangu here? Saka ndakachimbidzika kutizira Tashishi; nokuti ndakanga ndichiziva kuti muri Mwari ane nyasha, ane ngoni, asingachimbidziki kutsamwa, azere nounyoro, muchizvidemba pamakafunga kuuyisa zvakaipa.
3
Saka Jehovha, zvino chinditorerai henyu upenyu hwangu; nokuti zviri nani kwandiri kuti ndife pakuti ndirarame.”
4
Jehovha akati, “Zvakanaka here zvawatsamwa?”
5
Ipapo Jona akabuda muguta, akandogara kurutivi rwamabvazuva rweguta, akazvivakirapo musasa, ndokugaramo mumumvuri, achiti ndigoona zvichaitirwa guta.
6
Jehovha Mwari ndokuraira muti womuchindwe, akaumeresa kumusoro kwaJona, kuti uve mumvuri pamusoro wake, shungu dzake dzinyaradzwe. Zvino Jona akafarira kwazvo muti womuchindwi.
7
Asi nezuva rakatevera Mwari akaraira gonye mangwanani, rikamunya muchindwi, ukasvava.
8
Zvino zuva rakati richibuda, Mwari akaraira mhepo inopisa inobva mabvazuva; zuva rikabaya musoro waJona, akaziya, akakumbira kuti afe hake, akati, “Zviri nani kwandiri kuti ndife pakuti ndirarame.”
9
Mwari akati kuna Jona, “Zvakanaka here zvawatsamwira muchindwi?” Akati, “Zvakanaka kuti nditsamwe, kusvikira parufu pamene.”
10
Jehovha akati, “Iwe wakanga une tsitsi nomuti womuchindwi wausina kutamburira, kana kuumeresa, iwo, wakamera nousiku humwe, ukapararazve nousiku humwe;
11
ko zvino ini handizaifanira kuva netsitsi neNinivha, riya guta guru, muna vanhu vanopfuura zviuru zvine zana namakumi maviri, vasingazivi kuti ruoko rwavo rworudyi kana ruoko rwavo rworuboshwe ndorupi, uye zvipfuwo zvizhinji here?”
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
All chapters:
1
2
3
4