bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Lamentations 1
Lamentations 1
Shona SUB 2002 Bible
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 2 →
1
Haiwa, guta, rakanga rizere navanhu, rinogara sei riri roga! Iro, rakanga riri guru pakati pamarudzi, rava sechirikadzi! Iro, rakanga riri vamwoyo pakati penyika, rovigira mutero.
2
Rinochema zvikuru usiku, misodzi yaro iri pamatama aro; pakati pavadikanwi varo vose rinoshaiwa muvaraidzi, shamwari dzaro dzose dzarinyengera, dzashanduka vavengi varo.
3
Judha aenda kuutapwa nokuda kwokutambudzika, nokuda kwokubatiswa zvikuru; vanogara pakati pamarudzi, asi havawane zororo, vose vaidzingana navo vakanovata pakamanikana.
4
Nzira dzeZioni dzinochema, nokuti hakuna anouya kumutambo, masuwo aro ose akaparadzwa, vapristi varo vanogomera, mhandara dzaro dzinotambudzika, iro romene rinovavirwa.
5
Vadzivisi varo ndivo vava vakuru, vavengi varo vanofara; nokuti Jehovha akaritambudza nemhaka yokudarika kwaro kuzhinji; vana varo vaduku vakaenda kuutapwa pamberi pomudzivisi.
6
Kunaka kwake kwose kwakabva pamukunda weZioni; machinda ake aita senondo dzinoshaiwa mafuro, akatiza asine simba pamberi poanodzingana nawo.
7
Namazuva okutambudzika nokudzungaira kwaro, Jerusaremu rinorangarira zvose zvairifadza kubva pamazuva akare; panguva yakawira vanhu varo pamaoko omudzivisi, kusina wakaribatsira, vadzivisi vakariona, vakaseka kuparadzwa kwaro.
8
Jerusaremu rakatadza zvikuru kwazvo, naizvozvo raitwa sechinhu chisakanaka; vose vairikudza, vorishora, nokuti vakaona kushama kwaro, zvirokwazvo, rakagomera, rikadzokera shure.
9
Tsvina yaro yakanga iri panguo yaro, harina kurangarira kuguma kwaro; naizvozvo rakanyura zvinoshamisa, harina munyaradzi; tarirai, Jehovha, kutambudzika kwangu, nokuti muvengi wazvikudza.
10
Mudzivisi atambanudzira ruoko rwake kune zvose zvaro zvinofadza; nokuti rakaona marudzi achipinda panzvimbo yaro tsvene, vamakanga marayira pamusoro pavo kuti varege kupinda paungano yenyu.
11
Vanhu varo vose vanogomera, vanotsvaka zvokudya; vakapa zvinhu zvavo zvinofadza kuti zvive zvokudya zvokusimbisa mweya yavo; tarirai, Jehovha, muone; nokuti ndaitwa wakazvidzwa.
12
Nhai, imi mose munopfuura, hamuna hanya nazvo here? Tarirai muone kana kuchema kuripo kwakafanana nokuchema kwangu, kwakauyiswa pamusoro pangu, kwandakatambudzwa nako naJehovha nezuva rokutsamwa kwake kukuru.
13
Akatuma moto mumapfupa angu, zvichibva kumusoro, akavakunda; akadzikira tsoka dzangu mumbure, akandidzosera shure; akandiparadza nokundishaisa simba zuva rose.
14
Joko rokudarika kwangu kuzhinji rakasungwa noruoko rwake; zvakarukwa, zvaiswa pamutsipa wangu, zvandishaisa simba rangu; Ishe akandiisa mumaoko avasingagoni kudzivisa.
15
Ishe akashaisa simba mhare dzangu dzose dzakandipoteredza, akakokera ungano yakatarwa kuzondipwanyira majaya angu; Ishe akatsika mukunda mhandara yaJudha sapachisviniro.
16
Ndinochema nokuda kwezvinhu izvi, maziso angu anoyerera misodzi, nokuti munyaradzi, aifanira kusimbisa mweya wangu, uri kure neni; vana vangu vasiyiwa, nokuti muvengi akunda.
17
Zioni rinotambanudza maoko aro, hakuna angarinyaradza; Jehovha akarayira pamusoro paJakobho, kuti vakamupoteredza vave vadzivisi vake; Jerusaremu riri pakati pavo sechinhu chakanaka.
18
Jehovha akarurama, nokuti ndakamukira murairo wake; doteererai imi vanhu vose, muone kuchema kwangu; mhandara dzangu namajaya angu aenda kuutapwa.
19
Ndakadana vaindida, asi vakandinyengera; vapristi vangu navakuru vangu vakaparara muguta, panguva yavakanga vachizvitsvakira zvokudya kusimbisa mweya yavo.
20
Tarirai, Jehovha, nokuti ndiri panjodzi, mwoyo wangu unotambudzika; mwoyo wangu washanduka mukati mangu, nokuti ndakakumukirai kwazvo; kunze munondo unonditorera vana, mumba makaita somuno rufu.
21
Vakandinzwa ndichigomera, hakuna anondinyaradza; vavengi vangu vose vakanzwa nhamo dzangu, vanofara kuti makazviita; muchauyisa zuva ramakatara, ipapo vachafanana neni.
22
Zvakaipa zvavo zvose ngazviuye pamberi penyu; muvaitire ivo sezvamakandiitira ini nokuda kwokudarika kwangu kwose; nokuti kugomera kwangu kuzhinji, mwoyo wangu washaiwa simba.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5