bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Lamentations 2
Lamentations 2
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
1
Ishe akafukidza sei mukunda weZioni negore rokutsamwa kwake! Akabvisa kunaka kwaIsiraeri akazvikandira pasi, akasarangarira chitsiko chake nezuva rokutsamwa kwake.
2
Ishe akaparadza ugaro hwose hwaJakobho, akasanzwira tsitsi; pakutsamwa kwake akawisira pasi nhare dzomukunda waJudha; akadziwisira pasi; akamhura ushe namachinda ahwo.
3
Nokutsamwa kukuru akagura nyanga dzose dzaIsiraeri; akadzosa ruoko rwake rworudyi pamberi pomuvengi, akapisa muna Jakobho somurazvo womoto unopedza zvose kumativi ose.
4
Akakunga uta hwake somuvengi, akamira noruoko rwake somudzivisi, akauraya vose vaifadza meso; akadurura kutsamwa kwake somoto patende romukunda weZioni.
5
Ishe wava somuvengi, akamedza Isiraeri; akamedza dzimba dzavo dzose dzoushe, akaparadza nhare dzavo; akawanzira mukunda waJudha kuchema nokurira.
6
Akabvisa ruzhowa rwake nesimba sorwomunda; akaparadza nzvimbo yake yokuungana; Jehovha akakanganwisa paZioni ungano yakatarwa neSabata, akashora madzimambo navapristi neshungu dzokutsamwa kwake.
7
Jehovha akarasa atari yake, akasema nzvimbo yake tsvene, akaisa masvingo edzimba dzavo dzoushe mumaoko omuvengi; vakaita bope mumba maJehovha, sapazuva reungano yakatarwa.
8
Jehovha akafunga kuparadza rusvingo rwomukunda weZioni; akatatanura tambo yokuyera, haana kudzosa ruoko rwake pakuparadza; akachemedza nhare norusvingo, zvinopera simba pamwechete.
9
Masuwo aro akanyura pasi, akaparadza nokuvhuna zvipfigiso zvaro; mambo waro namachinda aro vari pakati pamarudzi asina murairo. Zvirokwazvo vaporofita varo havana zvavanoratidzwa naJehovha.
10
Vakuru vomukunda weZioni vagere pasi, vanoramba vanyerere; vakakushira guruva pamisoro yavo, vakazvisunga zviuno namasaga; mhandara dzeJerusaremu dzakakotamisa misoro yadzo pasi.
11
Meso angu apera nemisodzi, mwoyo wangu unotambudzika; chiropa changu chadururirwa pasi, nemhaka yokuparadzwa kwomukunda wavanhu vangu, nokuti vanana navanoyamwa vanoziya munzira dzomuguta.
12
Vanoti kuna madzimai avo, “Zviyo newaini zviripiko?” Vachingoziya munzira dzomuguta savakakuvadzwa, mweya yavo ichidururirwa pachipfuva chamadzimai avo.
13
Ndichakupupureiko? Ndichakufananidza nei, iwe mukunda weJerusaremu? Ndichakuenzanisa nei, kuti ndikunyaradze, iwe mhandara mukunda weZioni? Nokuti pawakaparadzwa pakakura segungwa, ndiani achakuporesa?
14
Vaporofita vako vakakuonera zviratidzo zvenhema nezvoupenzi; havana kubudisa zvakaipa zvako, kuti vadzose kutapwa kwako, asi vakakuonera zvirevo zvenhema nezvinokutapisa.
15
Vose vanopfuura vachaita nondo pamusoro pako, vanoridza muridzo nokudzungudzira mukunda weJerusaremu misoro yavo, vachiti, “Ko ndiro guta rainzi navanhu rakanaka–naka kwazvo, mufaro wenyika yose?”
16
Vavengi vako vose vakakushamisira miromo yavo; vanoridza muridzo nokugeda–geda meno, vanoti, “Tariparadza; zvirokwazvo ndiro zuva ratakanga takatarira; tariwana, tariona.”
17
Jehovha akaita izvo zvaakafunga, akapedzisa shoko rake raakaraira pamazuva akare; akawisira pasi, akasava netsitsi; akafadza muvengi pamusoro pako, akasimudza runyanga rwavadzivisi vako.
18
Mwoyo yavo yakadana kuna Ishe. Iwe rusvingo rwomukunda weZioni, misodzi ngaiyerere sorwizi masikati nousiku, usazorora, mboni yeziso rako isarega kuchema.
19
Muka, danidzira usiku, pakutanga kwenguva dzose; durura mwoyo wako semvura pamberi paJehovha; simudzira maoko ako kwaari nokuda kwoupenyu hwavana vako, vanoziya nenzara pakuvamba kwenzira imwe neimwe yomuguta.
20
Tarirai, Jehovha, muone vamakaitira zvakadai! Ko vakadzi vangadye zvibereko zvavo, ivo vana vari pamaoko here? Ko vapristi navaporofita vangaurawe panzvimbo tsvene yaishe here?
21
Majaya navatana vavete pasi munzira dzomuguta; mhandara dzangu namajaya angu vaurayiwa nomunondo; makavauraya nezuva rokutsamwa kwenyu, makavabaya, hamuna kuvanzwira tsitsi.
22
Makadaidza zvinondityisa pamativi ose, sapazuva reungano yakatarwa; hakuna akapukunyuka kana akasara pazuva rokutsamwa kwaJehovha; vandakabata mumaoko navandakarera vapedzwa nomuvengi wangu.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5