bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Micah 1
Micah 1
Shona SUB 2002 Bible
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 2 →
1
“Shoko raJehovha, rakauya kuna Mika weMoresheti namazuva aJotamu naAhazi naHezekiya, madzimambo aJudha, raakaona pamusoro peSamaria neJerusaremu.
2
“Inzwai imi marudzi avanhu, imi mose; teerera iwe nyika, nezvose zvirimo; Ishe Jehovha ngaakupupurirei, iye Ishe ari mutemberi yake tsvene.
3
Nokuti tarirai, Jehovha anobuda panzvimbo yake, achaburuka nokutsika panzvimbo dzakakwirira dzenyika.
4
Makomo achanyauka pasi pake, mipata ichapamuka senamo yakaiswa pamoto, semvura inodururwa pamawere.
5
“Zvose izvi zvinoitwa nokuda kwokudarika kwaJakobho, uye nokuda kwezvivi zveimba yaIsiraeri. Kudarika kwaJakobho ndokweiko? Harizi Samaria here? Nzvimbo dzakakwirira dzaJudha ndedzipiko? Harizi Jerusaremu here?
6
Saka Samaria ndichariita somurwi wamabwe musango, senzvimbo dzingasimwa mizambiringa; ndichakandira mabwe aro mumupata, ndichifukunura nheyo dzaro.
7
Mifananidzo yaro yose yakavezwa ichaputswa–putswa, mibairo yaro yose ichapiswa nomoto, uye ndichaparadza zvifananidzo zvaro zvose; nokuti rakazviunganidza izvo uri mubairo wechifeve, naizvozvi zvichadzokerazve kumubairo wechifeve.
8
“Nemhaka iyi ndichachema nokuungudza, ndichafamba ndisina nguo ndakashama, ndichaungudza samakava nokurira semhou.
9
Nokuti mavanga aro haadi kupora, nokuti zvasvika kuna Judhawo; zvasvikira pasuwo ravanhu vangu, ipo paJerusaremu.
10
“Musazvireva paGati, regai kutongochema; paBheti–re–Afura ndakaumburuka muguruva.
11
Chibva uende, iwe ugere Shafiri, wakashama uchinyara; agere Zaanani haana kubuda kuungudza paBheti–ezeri kuchakutorera pokumira.
12
Nokuti agere Maroti anomirira zvikuru chinhu chakanaka, nokuti zvakaipa zvakaburuka zvichibva kuna Jehovha zvikasvikira kusuwo reJerusaremu.
13
Iwe ugere Rakishi, sunga mabhiza pangoro; ndiro rakatanga kuisa mukunda weZioni pazvivi, nokuti kudarika kwaIsiraeri kwakawanikwa mauri.
14
Saka iwe uchapa Moresheti–gati chipo chokuonekana; dzimba dzeAkizibhi dzichava chinhu chinonyengera madzimambo aIsiraeri.
15
“Iwe ugere Maresha, ndichakuuyisira mumwe achakukunda; vakakudzwa VaIsiraeri vachasvika paAdhurami.
16
Zviitire mhanza, veura vhudzi rako pamusoro pavana vaunofarira; kurisa mhanza yako seyegondo, nokuti vakatapwa kure newe.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7