bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Micah 2
Micah 2
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 3 →
1
“Vane nhamo vanofunga zvakaipa vachiita zvisakarurama panhovo dzavo! Vanozviita mangwanani kana kwoedza, nokuti simba rokuzviita riri mumaoko avo.
2
Vanochiva minda, ndokuipamba, nedzimba, dzokuzvitorera idzo; vanomanikidza murume neimba yake, murume nenhaka yake.
3
Naizvozvo zvanzi naJehovha, ‘Tarirai, ndinofungira rudzi urwu zvakaipa, hamungagoni kubvisa mitsipa yenyu pazvivi, hamungafambi namanyawi, nokuti inguva yakaipa.’
4
Nezuva iro vachataura mufananidzo pamusoro penyu, nokuchema nokuchema kwokurira, vachiti, ‘Takaparadzwa chose, iye unopa vamwe mugove wavanhu vangu, aiwa wanditorera ini sei! Minda yedu anoigovera vanomumukira.’
5
“Saka iwe uchashaiwa munhu anokukandira tambo yokuyera nhaka yako paungano yaJehovha.
6
Regai kuporofita ndizvo zvavanoporofita ivo. Kana vasingaporofiti pamusoro pezvinhu izvi, kushora kwavo hakungaperi.
7
Nhai imi munonzi imba yaJakobho, Mweya waJehovha wafupiswa here? Ndiwo mabasa ake here? Ko mashoko angu haangaitiri zvakanaka anofamba nokururama here?
8
“Asi mazuva ano vanhu vangu vakandimukira somuvengi; munobvisa jasi panguo dzavanopfuura havo norugare vasingadi kurwa.
9
Munodzinga vakadzi vavanhu vangu padzimba dzavo dzinofadza; munoteerera vana vavo vaduku mbiri yangu nokusingaperi.
10
Simukai, muende, nokuti haizi nzvimbo yokuzorora pano, nemhaka yetsvina inoparadza nokuparadza kwakaipa kwazvo.
11
Kana munhu aripo, anofambira mhepo nenhema, anoreva nhema achiti, ‘Ndichakuporofitira zvewaini nezvinonwiwa zvinodhaka,’ ndiye achava muporofita wavanhu ava.
12
“Zvirokwazvo ndichakuunganidzai imi mose, imi Jakobho; zvirokwazvo ndichaunganidza vakasara VaIsiraeri; ndichavaisa pamwechete samakwai muchirugu, seboka ramakwai pakati pamafuro awo; vachaita ruzha rukuru nokuwanda kwavanhu.
13
Mupatsanuri wakavatungamirira; vakapatsanura, vakapfuurira kusuwo, vakabuda napo; mambo wavo wakavatungamirira, Jehovha ari pamberi pavo.”
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7