bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Zechariah 11
Zechariah 11
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 12 →
1
Zarura mikova yako, iwe Rebhanoni, kuti moto upedze misidhari yako.
2
Ungudza iwe musipiresi, nokuti musidhari wawira pasi, nokuti miti yakanaka kwazvo yaparadzwa; ungudzai, imi miouku yeBhashani, nokuti dondo risingabviri kupindwa ratemwa.
3
Inzwai izwi rokuungudza kwavafudzi! Nokuti kukudzwa kwavo kwaparadzwa; inzwai izwi rokuwomba kwavana veshumba! Nokuti kuzvikudza kwaJodhani kwaitwa dongo.
4
Zvanzi naJehovha Mwari wangu, “Fudza makwai anozourayiwa;
5
iwo anourayiwa navana vawo, vasina mhosva; vanoatengesa vanoti, ‘Jehovha ngaavongwe, nokuti ndakapfuma;’ vafudzi vawo havane tsitsi nawo.”
6
“Nokuti handichazovi netsitsi navagere munyika ndizvo zvinotaura Jehovha; asi tarirai, ndichaisa vanhu avo, mumwe nomumwe muruoko rwookwake, nomuruoko rwamambo wake; vachaparadza nyika, ini ndisingavarwiri paruoko rwavo.”
7
Saka ini ndakafudza makwai aizourayiwa, zvirokwazvo aiva makwai aizourayiwa, zvirokwazvo aiva makwai anonzwisa urombo. Ndikatora tsvimbo mbiri, imwe ndikaitumidza zita rinonzi, “Kunaka,” imwe ndikaitumidza zita rinonzi “Zvisungo;” ndikafudza makwai.
8
Ndikaparadza vafudzi vatatu nomwedzi mumwe, nokuti mweya wangu wakanga waneta navo, nemweya yavo yakandisemawo.
9
Ipapo ndikati, “Handichadi kukufudzai; chinoda kufa ngachife hacho, chinofanira kuparadza, ngachiparadzwe hacho; akasara ngaadye mumwe nomumwe nyama yomumwe.”
10
Ipapo ndakatora tsvimbo yangu yainzi, “Kunaka,” ndikaivhuna–vhuna, kuti ndiputse sungano yangu yandakanga ndaita nendudzi dzose dzavanhu.
11
Ikavhuniwa nezuva iro; naizvozvo varombo pakati pamakwai, vakanditerera, vakaziva kuti ishoko raJehovha.
12
Ndikati kwavari, “Kana muchiti zvakanaka, chindipai mubairo wangu; kana zvisakanaka, regai.” Ipapo vakandiyerera mubairo wangu, masirivha ana makumi matatu.
13
Jehovha akati kwandiri, “Chizvikandira kumuwumbi wehari; ndiwo mutengo wakanaka wandakatengwa nawo navo.” Ini ndikatora masirivha ana makumi matatu, ndikaakandira kumuwumbi wehari mumba maJehovha.
14
Ipapo ndikavhuna–vhuna imwe tsvimbo yangu, yainzi, “Zvisungo,” kuti ndiputse ukama hwaiva pakati paJudha naIsiraeri.
15
Ipapo Jehovha akati kwandiri, “Chitorazve nhumbi dzomufudzi bedzi.
16
Nokuti tarirai, ndichamutsa panyika ino mufudzi asingavi nehanya naakarashika, kana kutsvaka akapararira, kana kurapa akavhunika, kana kufudza anovata; asi achadya nyama yaakakora, nokubvamburanya mahwanda awo.
17
Ane nhamo mufudzi asina maturo, anosiya makwai! Munondo uchatema ruoko rwake neziso rake rorudyi; ruoko rwake ruchaoma chose, uye ziso rake rorudyi richasvibirwa chose.”
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14