bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona SUB 2002 Bible
/
Zechariah 5
Zechariah 5
Shona SUB 2002 Bible
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 6 →
1
Zvino ndakaratidza meso anguzve, ndikatarira, ndikaona rugwaro rwechimononorwa ruchibhururuka.
2
Akati kwandiri, “Unooneiko? Ndikapindura, ndikati, ‘Ndinoona rugwaro rwechimononorwa runobhururuka; kureba kwarwo mukubhiti ana makumi maviri, noupamhi hwarwo makubhiti ane gumi.’ ”
3
Ipapo akati kwandiri, “Ndiko kutuka kunobudira pamusoro penyika yose; nokuti mumwe nomumwe anoba achaparadzwa kuno rumwe rutivi sezvazvakanyorwamo; uye mumwe nomumwe anopika achaparadzwa kuno rumwe rutivi sezvazvakanyorwamo.
4
Ndichabudisa kutuka ikoko ndizvo zvinotaura Jehovha wehondo kupinde mumba moanoba nomumba moanopika nhema nezita rangu; kuchagara pakati peimba yake, kuchiipedza iyo pamwechete namatanda ayo nemabwe ayo.”
5
Zvino mutumwa akanga achitaurirana neni akabuda, akati kwandiri, “Chiratidza meso ako zvino, uone chinobudapo.”
6
Ini ndikati, “Chiiko?” Iye akati, “Ichi ndicho chivi chavo panyika yose.” Akatizve, “Ndizvo zvavakaita panyika yose;”
7
(zvino ndikaona tarenta romutobvu ruchisimudzwa); ndikaona mukadzi agere mukati meefa.
8
Akati, “Uyu ndiye Zvakashata; akamuwisira pasi mukati mebhasikiti [efa,] akakandira mutobvu unorema pamusoro pomuromo wayo.”
9
Ipapo ndakaratidza meso angu, ndikatarira, ndikaona vakadzi vaviri vachibuda, mhepo iri mumapapiro avo; zvino vakanga vana mapapiro akafanana namapapiro ezimuda; ivo vakasimudza efa, ikava pakati penyika nedenga.
10
Ipapo ndikati kumutumwa akanga achitaurirana neni, “Vanondoisepiko bhasikiti?”
11
Iye akati kwandiri, “Kundoivakira imba panyika yeShinari; kana yapera achandoiswapo panzvimbo yayo.”
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14