bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Timothy 2
1 Timothy 2
Shona 2009?
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 3 →
1
Naizvozvo pakutanga kwezvose ndinoraira kuti vanhu vose vakumbirirwe, vanyengetererwe, varevererwe, vavongerwe;
2
madzimambo, navose vari vakuru, kuti tigare norugare nokunyarara pakunamata Mwari kose, nomugarire unokudzwa.
3
Ndizvo zvakanaka, zvinofadza pamberi paMwari, Muponesi wedu;
4
uyo unoda kuti vanhu vose vaponeswe, vasvike pakuziva chokwadi.
5
Nokuti kunongova naMwari mumwe chete, noMureveri mumwe chete vo, pakati paMwari navanhu, ndiye munhu Kristu Jesu,
6
wakazvipa iye, kuti ave rudzikinuro rwavose, chive chapupu panguva dzakafanira,
7
icho chandakaitirwa muparidzi nomuapositora (ndinoreva zvirokwazvo, muna Kristu handirevi nhema), nomudzidzisi wavahedheni pakutenda nechokwadi.
8
Naizvozvo ndinoda kuti varume vanyengetere panzvimbo dzose, vachisimudza mavoko matsvene, vasina kutsamwa nenharo.
9
Saizvozvovo, kuti vakadzi vashonge nguvo dzakafanira, vanokunyara nokuzvidzora; vasava nevhudzi rakarukwa, nendarama, kana maparera, kana nguvo dzinodya mari zhinji;
10
asi ngavashonge mabasa akanaka, sezvinofanira vakadzi vanoti tinonamata Mwari.
11
Mukadzi ngaadzidze nokunyarara nokuzviisa pasi kose.
12
Asi handitenderi mukadzi kuti adzidzise, kana kuti ave nesimba pamusoro pomurume, asi ngaanyarare.
13
Nokuti Adhamu wakatanga kuvumbwa, tevere Evha;
14
naAdhamu haana kunyengerwa, asi mukadzi wakanyengerwa akapinda pakudarika;
15
asi uchaponeswa nokubereka vana, kana vachirambira mukutenda norudo, novutsvene pamwe chete nokuzvidzora.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6