bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
1 Timothy 3
1 Timothy 3
Shona 2009?
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 4 →
1
Ishoko rechokwadi, rokuti, kana munhu achitsvaka basa romutariri, unoda basa rakanaka.
2
Naizvozvo mutariri unofanira kuva munhu usina chaangapomerwa, murume womukadzi mumwe chete, wakangwara, wakachenjera, unomugarire wakafanira, unoitira vaeni rudo, unoziva kudzidzisa,
3
usingadi waini, usingarwi; asi munyoro, usinegakava, usingakariri mari;
4
unobata imba yake zvakanaka, unavana vanozviisa pasi nomugarire wose unokudzwa;
5
(kana munhu asingazivi kubata imba yake, ungachengeta seiko kereke yaMwari?)
6
Asava mutendi mutsva, kuti arege kuzvikudza, akawira mukutongwa kumwe naDhiabhorosi
7
Vuyezve, unofanira kupupurirwa zvakanaka navari kunze, kuti arege kuzvidzwa nokubatwa nemusungo waDhiabhorosi.
8
Saizvozvo vo vashumiri ngavave vanokudzwa, vasinamanzwi maviri, vasingadi waini zhinji, vasingakariri fuma yakaipa;
9
vanochengeta zvakavanzika zvokutenda muhana yakanaka.
10
Naivo ngavatange kuidzwa vo, ipapo vashumire, kana vasina chavangapomerwa.
11
Saizvozvo navakadzi ngavave vanokudzwa, vasingacheri vamwe, vakasvinuka, vakatendeka pazvose.
12
Vashumiri ngavave varume vanomukadzi mumwe chete, vanobata vana vavo nedzimba dzavo zvakanaka;
13
nokuti avo vakashumira zvakanaka, vanozviwanira zita rinokudzwa nokutsunga kukuru pakutenda kwavo munaKristu Jesu.
14
Zvinhu izvi zvose ndinokunyorera, ndichiti ndichakurumidza kuvuya kwauri;
15
zvino kana ndikanonoka, ndinoda kuti uzive kuti vanhu vanofanira kufamba sei mumba maMwari, iyo kereke yaMwari mupenyu, mbiru nechitsigiro chechokwadi.
16
Hakuna ungaramba kuti chakavanzika chokunamata chikuru kwazvo, chokuti: Iye Mwari wakaratidzwa panyama, wakaruramiswa pamweya, wakavonekwa navatumwa, wakaparidzwa pakati pavahedheni, wakatendwa panyika, wakakwidzwa mukubwinya.
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6