bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Amos 7
Amos 7
Shona 2009?
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 8 →
1
Hezvi zvandakaratidzwa nalshe Jehovha. Tarira, akawumba mhashu, mabukira okupedzisira achitanga kubukira; tarirai, akanga ari mabukira okupedzisira kukohwa kwamambo kwapera.
2
Zvino dzakati dzapedza kudya uswa bwenyika, ndikati, "Aiwa, Ishe Jehovha, chikangamwirai henyu; Jakobho angamira seiko, zvaari muduku?"
3
Jehovha akazvidya mwoyo pamusoro pechinhu ichi, Jehovha akati, "Hazvingaitwi."
4
Hezvi zvandakaratidzwa naIshe Jehovha. Tarirai, Ishe Jehovha akadana moto kuti arwe nawo; akapedza gungwa rakadzika, akavavarira kudya nenyikawo.
5
Ipapo ndakati, "Aiwa, Ishe Jehovha, chiregai henyu; Jakobho angamira seiko, zvaari muduku?"
6
Jehovha akazvidemba pamusoro pechinhu ichi, Ishe Jehovha akati, "Nezvizviwo hazvingaitwi."
7
Hezvi zvaakandiratidza, tarirai, Ishe akanga amire pamadziro akanga akaitwa norwonzi rwokuyera narwo, akabata rwonzi rwokuyera muruoko rwake.
8
Jehovha akati kwandiri, "Amosi unooneiko?" Ini ndikati, "Rwonzi rwokuyera narwo." Zvino Ishe akati, "Tarirai, ndichaisa rwonzi rwokuyera pakati pavanhu vangu vaIsiraeri, handichatongovadarikizve,
9
nzvimbo dzakakwirira dzaIsaka dzichaitwa matongo, uye nzvimbo tsvene dzaIsiraeri dzichaparadzwa; ndichamukira imba yaJerobhoami
10
Zvino Amazia muprista weBhetieri akatuma nhume kuna Jerobhoami mambo waIsiraeri, achiti, "Amosi akarangana pakati peimba yaIsiraeri kukuurayai; nyika haigoni kufara namashoko ake ose.
11
Nokuti Amosi anoti, `Jerobhoami achaurawa nomunondo, Isiraeri vachatapwa zvirokwazvo vachibviswa panyika yavo.' "
12
Amazia akatiwo kuna Amosi, "Iwe muoni, enda, utizire kunyika yaJudha, undodyapo zvokudya, uporofitepo;
13
asi urege kuzoporofitazve paBhetieri; nokuti inzvimbo tsvene yamambo, iimba yamadzimambo."
14
Ipapo Amosi akapindura, akati kuna Amazia, "Ini ndakanga ndisi muporofita, ndakanga ndisi mwanakomana womuporofita; asi ndakanga ndiri mufudzi nomurimi wemionde,
15
Jehovha akanditora ndichitevera makwai, Jehovha akati kwandiri, `Enda, undoporofita kuvanhu vangu vaIsiraeri.'
16
Zvino iwe chinzwa shoko raJehovha, iwe unoti, `Rega kuporofita pamusoro paIsiraeri, rega kudonhedza shoko pamusoro peimba yaIsaka;'
17
naizvozvo zvanzi naJehovha, `Mukadzi wako achava chifeve muguta, vanakomana vako navanasikana vako vachaparadzwa nomunondo, uye nyika yako ichaganhurwa norwonzi rwokuyera narwo; iwe womene uchafira munyika isakanaka, uye vaIsiraeri vachatapwa zvirokwazvo vachibviswa panyika yavo.' "
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9