bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Amos 8
Amos 8
Shona 2009?
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 9 →
1
Hezvi zvandakaratidzwa naIshe Jehovha, tarirai, tswanda inezvibereko zvezhizha.
2
Akati, "Amosi, unooneiko?" Ini ndikati, "Tswanda inezvibereko zvezhizha." Zvino Jehovha akati kwandiri, "Kuguma kwasvikira vanhu vangu vaIsiraeri, handichatongovadarikizve.
3
Nziyo dzetemberi dzichashanduka kuungudza nezuva iro," ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha; zvitunha zvichavapo zvizhinji, vachazvikandira kunze kose vanyerere.
4
Inzwai chinhu ichi, iyemi, munoda kumedza vanoshaiwa, nokuparadza varombo venyika,
5
muchiti, "Kugara komwedzi kuchapfuura riniko, kuti titengese zviyo? Uye Sabata, kuti tizarure matura ezviyo? Tichatapudza efa, nokukurisa shekeri, tichinyengera nezviyero zvinonyengera;
6
kuti titenge varombo nesirivha, navanoshaiwa tichipiwa shangu mbiri, tichitengesa makoto ezviyo?"
7
Jehovha akapika noukuru hwaJakobho, achiti, "Zvirokwazvo, handingatongokangamwi rimwe ramabasa avo nokusingaperi.
8
Ko nyika haingadederi pamusoro pechinhu ichi, mumwe nomumwe agerepo haangachemi here? Zvirokwazvo, ichakwira yose soRwizi, ichatutuma ndokudererazve, soRwizi, rweIjipiti.
9
Zvino nezuva iro ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha ndichavirisa zuva masikati makuru, ndichaisa rima panyika achiri masikati.
10
Ndichashandura mitambo yenyu kuve kuchema, nenziyo dzenyu dzose kuve kurira kokuchema; ndichafukidza zviuno zvose masaga, nokuita misoro yose mhazha; ndichazviita sapanochemwa mwanakomana akazvarwa ari mumwechete, nokuguma kwazvo sezuva rakaipa kwazvo.
11
"Tarirai, mazuva anouya ndizvo zvinotaura Ishe Jehovha andichatuma nzara panyika, isati iri nzara yezvokudya, kana nyota yemvura, asi yokunzwa mashoko aJehovha.
12
Vachadzungaira vachibva kugungwa vachienda kugungwa, vachibva kumusoro vachienda mabvazuva; vachamhanya pose-pose vachitsvaka shoko raJehovha, asi havangariwani.
13
Nezuva iro mhandara dzakanaka namajaya vachaziya nenyota.
14
Vanopika vezviwi zveSamaria, vachiti, `Namwari wako mupenyu, iwe Dhani; uye, Nenzira yeBheerishebha mhenyu, ivo vachawira pasi, vakasazomukazve.' "
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9