bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Daniel 12
Daniel 12
Shona 2009?
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
1
"Nenguva iyo Mikaeri achasimuka, iye muchinda mukuru anochengeta vana vavanhu vako; ipapo nguva yenjodzi ichavapo, isina kumbovapo yakadaro kubva pakumuka kwamarudzi avanhu kusvikira nguva iyo; nenguva iyo vanhu vako vacharwirwa, ivo vose vakanyorwa mubhuku.
2
Zvino vazhinji vavavete muvhu rapasi vachamuka, vamwe vachamukira upenyu usingaperi, vamwe kukunyadziswa nokuzvidzwa kusingaperi.
3
Vakachenjera vachapenya sokupenya kokudenga, uye vanodzorera vazhinji kukururama vachapenya senyeredzi nokusingaperi-peri.
4
"Asi iwe Dhanyeri, vanza mashoko, unamire bhuku rechisimbiso, kusvikira kunguva yokupedzisira; vazhinji vachamhanya pose-pose, nezivo ichawanda.
5
"Ipapo ini Dhanyeri ndakatarira, ndikaona vamwe vaviri, mumwe pamhenderekedzo yorwizi nechouno mhiri, mumwe pamhenderekedzo yorwizi nechemhiri.
6
Mumwe akati kumurume akanga akapfeka hanzu dzerineni, akanga ari pamusoro pemvura yorwizi, `Inguva yakadini kusvikira pakuguma kwezvishamiso izvi?'
7
Ndikanzwa murume akanga akapfeka hanzu dzerineni, akanga ari pamusoro pemvura yorwizi, achisimudzira kudenga ruoko rwake rworudyi noruoko rwake rworuboshwe, achipika naiye anorarama nokusingaperi, kuti zvichaita nguva imwe, nedzimwe nguva, nehafu yenguva; kana vapedza kuputsanya simba ravanhu vatsvene, izvi zvose zvichapedziswa.
8
"Ndikanzwa, asi handina kuzvinzwisisa, ipapo ndikati, `Aiwa ishe wangu, kupera kwezvinhu izvi ndokweiko?'
9
"Iye akati, `Chienda hako, iwe Dhanyeri, nokuti mashoko awa akavanzwa nokunamirwa nechisimbiso kusvikira panguva yokupedzisira.'
10
Vazhinji vachazvinatsa nokuzvichenesa nokubviswa tsvina, asi vakaipa vachaita zvakaipa; hakuna pakati pavakaipa achanzwisisa, asi vakachenjera ndivo vachanzwisisa.
11
"Kubva panguva yokubviswa kwechipiriso chinopiswa nguva dzose, nokumutswa kwechifananidzo chinonyangadza chinoparadza, zvichaita mazuva ane chiuru chimwe namazana maviri namakumi mapfumbamwe.
12
Akaropafadzwa anoramba achimirira kusvikira pamazuva ane chiuru chimwe namazana matatu namakumi matatu namashanu.
13
"Asi iwe chienda hako kusvikira kuguma kwavapo; nokuti iwe achazorora, ndokumukirazve mugove wako pakupera kwamazuva iwayo."
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12