bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Daniel 5
Daniel 5
Shona 2009?
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 6 →
1
Zvino mambo Bheshazari akaitira madzishe ake ane chiuru chezana mutambo mukuru, akamwa waini pamberi paivo vane chiuru chezana.
2
Zvino Bheshazari, akati abatwa newaini, akarayira kuti vauye nemidziyo yendarama neyesirivha, yakanga yabviswa nababa vake Nebhukadhinezari patemberi yaiva muJerusaremu, kuti iye mambo namadzishe ake navakadzi vake navarongo vake vamwe nayo.
3
Ipapo vakauya nemidziyo yendarama yakanga yabviswa patemberi yeimba yaMwari yaiva muJerusaremu; iye mambo namadzishe ake navakadzi vake navarongo vake vakamwa nayo.
4
Vakamwa waini, vakarumbidza vamwari vendarama nesirivha nendarira nedare namatanda namabwe.
5
Zvino nenguva iyeyo mimwe yoruoko rwomunhu yakauya ikanyora pakatarisana nechigadziko chomwenje pasuko remadziro eimba yamambo, mambo akaona chanza choruoko rwakanga ruchinyora.
6
Ipapo chiso chamambo chakashanduka maari, pfungwa dzake dzikatambudzwa, zvipfundo zvechiuno chake zvikasununguka, mabvi ake akarovana.
7
Mambo akadanidzira achiti vauye nen' anga navaKaradhea navafemberi. Mambo akataura akati kuna vakachenjera veBhabhironi, "Ani naani angarava izvi zvakanyorwa, akandizivisa kududzirwa kwazvo, achafukidzwa nguo tsvuku, nokushongedzwa ngetani yendarama pamutsipa wake, uye achava mubati wechitatu paushe hwangu."
8
Ipapo vakachenjera vose vamambo vakapinda, asi vakanga vasingagoni kurava zvakanyorwa, kana kuzivisa mambo kududzirwa kwazvo.
9
Zvino mambo Bheshazari akatambudzika kwazvo, chiso chake chikashanduka maari, namadzishe ake akakanganiswa.
10
Ipapo vahosi vakapinda muimba yomutambo, nokuda kwamashoko amambo naamadzishe ake; vahosi vakataura, vakati, "Imi mambo, raramai nokusingaperi, pfungwa dzenyu ngadzirege kukutambudzai, chiso chenyu ngachirege kushanduka.
11
Muushe bwenyu muno murume, ane mweya wavamwari vatsvene mukati make; pamazuva ababa venyu chiedza nezivo nenjere, zvakafanana nenjere dzavamwari, zvakawanikwa maari; mambo Nebhukadhinezari, baba venyu, ivo mambo, baba venyu, vakamuita mukuru wavachenjeri nen'anga navaKaradhea navafemberi;
12
nokuti kuna Dhanyeri, akatumidzwa Bheteshazari namambo, kwakawanikwa mweya wakanaka kwazvo, nezivo, nokunzwisisa, nokududzira kurota, nokubudisa mashoko akavanzika, nokusunungura pfundo. Zvino Dhanyeri ngaadamwe, iye achakuzivisai kududzirwa kwazvo."
13
Ipapo Dhanyeri akauyiswa pamberi pamambo. Mambo akataura, akati kuna Dhanyeri, "Ndiwe uya Dhanyeri, wavana vaJudha vakatapwa, wakandotapwa kuvaJudha nababa vangu here?
14
Ndakanzwa zvako, kuti mweya wavamwari uri mukati mako, uye kuti chiedza nezivo nenjere kwadzo zvinowanikwa mauri.
15
Zvino vakachenjera, idzo n'anga vakauyiswa pamberi pangu, kuti varave zvakanyorwa izvi, vandizivise kududzirwa kwazvo; asi vakakoniwa kundizivisa kududzirwa kwechinhu ichi.
16
Asi ndakanzwa, kuti iwe unogona kududzira, nokusunungura pfundo; zvino kana ukagona kurava zvakanyorwa, nokundizivisa kududzirwa kwazvo, uchafukidzwa nguo tsvuku, nokushongedzwa vungetani bwendarama pamutsipa wako, uye uchava mubati wechitatu paushe hwangu."
17
Ipapo Dhanyeri akapindura akati pamberi pamambo, "Garai henyu nezvipo zvenyu, ipai henyu mumwe mibairo yenyu; kunyange zvakadaro ndicharavira mambo zvakanyorwa, nokumuzivisa kududzirwa kwazvo.
18
"Imi mambo, Mwari Wokumusoro-soro akapa baba venyu Nebhukadhinezari ushe noukuru, nembiri noumambo;
19
zvino nokuda koukuru, hwaakamupa, vanhu vose namarudzi ose namarimi ose vakadedera nokutya pamberi pake; aiuraya waaida kuuraya, airaramisa waaida kuraramisa, aikwiridza waaida kukwiridza, nokuderedza waaida kuderedza.
20
Asi mwoyo wake wakati uchizvikudza, nomweya wake uchizviomesa, kusvikira achiita manyawi, akabviswa pachigaro chake choushe, vakamutorera kubwinya kwake;
21
akadzingwa pakati pavanakomana vavanhu, mwoyo wake ukaitwa sowemhuka, akandogara nembizi, akadyiswa uswa senzombe, muviri wake ukanyoroveswa nedova rokudenga, kusvikira aziva kuti Mwari Wokumusoro-soro anobata ushe pakati pavanhu, achiupa waanoda.
22
Asi imwi Bheshazari mwanakomana wake, hamuna kuzvininipisa nomwoyo wenyu, kunyange makanga muchizviziva zvose,
23
asi makazvikudza pamberi paIshe wokudenga; midziyo yeimba yake yakauyiswa pamberi penyu, imwi namadzishe enyu navakadzi venyu navarongo venyu mukamwa waini nayo; mukarumbidza vamwari vesirivha nendarama nedare namatanda namabwe, vasingaoni kana kunzwa kana kuziva; asi iye Mwari, akabata mweya wenyu muruoko rwake, anoziva nzira dzenyu dzose, hamuna kumukudza iye.
24
Naizvozvo chanza choruoko chakatumwa chichibva kwaari, zvakanyorwa izvi zvikanyorwa.
25
"Zvino zvakanyorwa ndezvizvi: MENE, MENE, TEKERE, UFARISINI.
26
Kududzirwa kwechinhu ichi, ndikoku: MENE, Mwari akaverenga mazuva ovushe bwenyu, akabwugumisa.
27
TEKERE, iwe wayerwa pachiyero, ukawanikwa wakareruka.
28
PERESI, ushe hwako hwakamurwa, hwapiwa vaMedhia navaPeresia."
29
Ipapo Bheshazari akarayira, vakafukidza Dhanyeri nguvo tsvuku vakamushongedza ngetani bwendarama pamutsipa wake, akaparidza pamusoro pake kuti ave mubati wechitatu paushe hwake.
30
Nousiku uhwo mambo Bheshazari muKaradhea akaurawa.
31
Dhariusi muMedhia akapiwa ushe, ana makore anenge makumi matanhatu namaviri.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12