bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Habakkuk 1
Habakkuk 1
Shona 2009?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
1
Shoko raMwari rakaonekwa nomuporofita Habhakuki.
2
"Aiwa, Jehovha, ndichadana kusvikira riniko, imwi musinganzwi? Ndinodana kwamuri pamusoro pokuitirwa simba, asi hamundiponesi.
3
Munondiratidzireiko zvakaipa, munotarireiko zvisakarurama? Nokuti kuparadza nokuitira vamwe simba zviri pamberi pangu; rukave ruripo, uye kukakavara kunomuka.
4
Saka murayiro haune simba, uye kururamisira vamwe hakuchaonekwi; nokuti vakashata vanokomba vakarurama; saka kururamisira vamwe kunongoonekwa kwakaminama.
5
"Tarirai pakati pamarudzi, muone, mushamiswe kwazvo-kwazvo; nokuti ndinobata basa pamazuva enyu, ramucharamba kutenda kunyange muchizviudzwa.
6
Nokuti tarirai, ndinomutsa vaKaradhea, rudzi rune hasha runopenga, vanofamba panyika pose, kuti vazvitorere ugaro husati huri hwavo.
7
Vanotyisa nokukarudza; kutonga kwavo nokukudzwa kwavo kunobva kwavari vamene.
8
"Mabhiza avowo anomhanya achipfuura ingwe, ane hasha kupfuura mapere amadekwana; vatasvi vavo vamabhiza vanomhanya vachiuruka, zvirokwazvo vatasvi vavo vamabiza vanouya vachibva kure, vanobhururuka segondo rinokurumidzira kudya.
9
Vanouya vose kuzoita simba; zviso zvavo zvakatarira mberi; vanounganidza vatapwa sejecha.
10
"Zvirokwazvo vanodadira madzimambo, machinda anosekwa navo; vanoseka nhare dzose, nokuti vanodzitutira guruva ndokudzikunda.
11
Ipapo vanopfuura semhepo, ndokuenda, asi vane mhosva, ivo vanoita simba ravo mwari wavo.
12
"Imi Jehovha, Mwari wangu, Mutsvene wangu, hamuzakavapo kubva pakutanga-tanga here? Isu hatingafi. Jehovha, imwi makatema kuti vatonge, nemwi dombo makavaisapo kuti varange,
13
Imi, muna meso akaisvonaka, asingadi kutarira zvakaipa, musingadi kuona zvisakarurama, munotaririreiko vanonyengera, muchinyarara kana akashata achimedza akamupfuura nokururama;
14
muchiita vanhu sehove dzegungwa, sezvinokambaira, zvisina mubati?
15
"Vanovaredza vose nechiredzo chavo, vanovabata mumumbure wavo, vachivaunganidzira murutava rwavo; naizvozvo vanofara kwazvo vanomufaro.
16
Naizvozvo vanobayira mumbure wavo, nokupisira rutava rwavo zvinonhuhwira, nokuti mugove wavo wakakora nazvo, zvokudya zvavo zvawanda.
17
"Zvino vangadurura zviri mumumbure wavo, vakaramba vachiuraya marudzi avanhu here?
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3