bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Habakkuk 2
Habakkuk 2
Shona 2009?
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
1
"Ndichandomira panzvimbo yangu yokurindira, ndichazviisa panharirire yangu, ndichatarira ndione zvaachataura neni, uye zvandingapindura pamusoro pokuchema kwangu.
2
"Jehovha akandipindura, akati, `Nyora zvawaratidzwa, zvionekwe kwazvo pamabwendefa, kuti zvigone kurahwa nowanomhanya.
3
Nokuti zvakaratidzwa izvi ndezvenguva yakatarwa, zvovavarira kuguma, hazvingarevi nhema; kunyange zvikanonoka, uzvimirire, nokuti zvichauya zvirokwazvo, hazvingaiti nguva huru.
4
Tarirai, mweya wavo una manyawi, hauna kururama mukati mavo; asi akarurama achararama nokutenda kwake.
5
Uyezve, zvirokwazvo, waini inonyengera, murume anozvikudza, asingagari kumba kwake, akashamisa kukara kwake seSheori, akafanana norufu; haangaguti, asi anozviunganidzira marudzi ose, unozvikokerera marudzi ose avanhu.'
6
Ko ava vose havangaimbi rwiyo pamusoro pake, nokumudadira nechirabwe, vachiti, `Ane nhamo anowanza zvisati zviri zvake! Kusvikira riniko? Uye anozviremedza nezvikwereti!'
7
"Vachakurumai havangasimuki pakarepo, vanokumanikidzai havangamuki here, imwi mukapambwa navo?
8
imwi zvamakapamba marudzi mazhinji, vose vakasara vamarudzi avanhu vachakupambai nemhaka yeropa ravanhu, uye nemhaka yokuti makaitira nyika simba, neguta navose vageremo.
9
"Ane nhamo unozviwanira imba yake fuma yakaipa, kuti aise dendere rake kwakakwirira, kuti arwirwe paruoko rwezvakaipa!
10
Makaranganira imba yenyu zvinonyadza, zvamakaparadza marudzi mazhinji avanhu, mukatadzira mweya wenyu.
11
Nokuti ibwe richadanidzira riri parusvingo, danda riri mudenga richapindura.
12
"Ane nhamo anovaka musha neropa, anovamba guta nezvakaipa!
13
Tarirai, hazvina kubva kuna Jehovha wehondo here kuti vanhu vabatire moto, uye kuti marudzi avanhu azvinetse nokuda kwezvisina maturo?
14
Nokuti nyika yose ichazadzwa nokuziva kubwinya kwaJehovha, mvura sezvainofukidza pasi pegungwa.
15
"Ane nhamo anopa wokwake zvinobata azvimwe, anovhenganisiramo uturu bwenyu, muchimudhakisawo, kuti muone kushama kwavo!
16
Mazvigutisa nezvinonyadzisa panzvimbo yezvinokudzwa; chimwai nemiwo, muve seasina kudzingiswa; mukombe worudyi rwaJehovha uchasvikira kwamuri, zvinonyadzisa zvakaipa zvichauya pamusoro pokukudzwa kwenyu.
17
Nokuti zvakaipa zvakaitirwa Rebhanoni zvichakufukidzai imi, uye kuparadzwa kwezvipfuwo kwakazvityisa; nemhaka yeropa ravanhu, nemhaka yezvakaipa zvakaitirwa nyika, neguta, navose vageremo.
18
"Mufananidzo wakavezwa unobatsireiko, zvawavezwa nomuvezi wawo; kana mufananidzo wakaumbwa, iwo mudzidzisi wenhema, iye wakauumba zvaanovimba nawo, zvaakaita zvifananidzo zvisingagoni kutaura?
19
Ane nhamo anoti kudanda, `Muka! Kana kubwe risingagoni kutaura. Simuka! Zvinhu izvi zvingadzidzisa here?' Tarirai, zvakanamirwa nendarama nesirivha, asi hakuna mweya mukati mazvo napaduku.
20
"Asi Jehovha ari mutemberi yake tsvene, nyika yose ngairambe inyerere pamberi pake."
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3