bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Ruth 3
Ruth 3
Shona 2009?
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 4 →
1
Zvino Naomi, vamwene vake, akati kwaari, "Mwanasikana wangu, handifaniri kukutsvakira zororo, kuti ufare here?
2
Zvino Bhowasi, kwawakanga uri kuvasikana vake, haizi hama yedu here? Tarira iye ucharudza bhari madekwana ano paburiro.
3
Zvino chizvishambidza, uzore mafuta, ufuke nguvo dzako, ndokuburukira kuburiro, asi usazviratidza kumurume uyo, kusvikira apedza kudya nokumwa.
4
Zvino kana iye achindovata, iwe unofanira kucherechedza paanondovata, ugoenda wondofukura tsoka dzake, wovatapo pasi; iye achakuudza zvauchafanira kuita."
5
Akati kwaari, "Zvose zvamunondiudza ndichazviita."
6
Ipapo akaburukira kuburiro, akandoita zvose zvaakanga arairwa navamwene vake.
7
Zvino Bhowasi wakati apedza kudya nokumwa, moyo wake ukafara, akandovata pamucheto womurwi wezviyo; ipapo iye akanyatsosvika, akafukura tsoka dzake, ndokuvata pasi.
8
Pakati pousiku murume akavhunduka, akapinduka, onei mukadzi avete patsoka dzake.
9
Akati, "Ndiwe aniko?" Akapindura akati, "Ndini Rute, murandakadzi wenyu; fukidzai murandakadzi wenyu nenguvo yenyu, nokuti muri hama yomumba."
10
Ipapo iye akati, "Uropafadzwe naJehovha, mwanasikana wangu, nokuti pakupedzisira wakaita nokunaka kupfuura pakutanga; nokuti hauna kutevera majaya, kunyange aiva varombo kana vafumi.
11
Zvino mwanasikana wangu, usatya hako; ndichakuitira zvose sezvaunotaura; nokuti vose veguta rangu vanoziva kuti uri mukadzi wakanaka kwazvo.
12
Zvino zvirokwazvo kuti ini ndiri hama yomumba, asi kune imwe hama iri pedo kupfuura ini.
13
Vata hako usiku hwuno; zvino mangwana, kana iye achida kukuitira zvinofanira kuitwa nehama, ndizvo hazvo; ngaaite zvinofanira kuitwa nehama; asi kana asingadi kukuitira zvinofanira kuitwa nehama, ini ndichakuitira zvinofanira kuitwa nehama, ndinopika naJehovha mupenyu; chivata hako kusvikira mangwana."
14
Iye akavata patsoka dzake kusvikira mangwanani, akamuka vanhu vachigere kunatsoona. Nokuti wakati, "Ngazvirege kuzikamwa, kuti mukadzi wakauya paburiro."
15
Akati, "Uya nenguvo yawakafuka, uibate," akaibata, iye akayera zviyero zvitanhatu zvebhari, akamutakudza akapinda muguta.
16
Zvino wakati achisvika kuna vamwene vake, ivo vakati, "Zvazodiniko mwana wangu?" Akavaudza zvose zvaakanga aitirwa nomurume uya.
17
Akati, "Iye wandipa zviyero izvi zvitanhatu zvebhari, nokuti wakati, `Usaenda kuna vamwene vako usina chinhu.' "
18
Zvino vakati, "Chigara hako, mwana wangu, kusvikira waona mugumo weshoko iri, nokuti murume uyu haangazorori kusvikira apedza shoko iri nhasi."
← Chapter 2
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 4 →
All chapters:
1
2
3
4