bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona 2009?
/
Ruth 4
Ruth 4
Shona 2009?
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
1
Zvino Bhowasi wakakwira kusuo, akagara pasi; hama yomumba yakanga yarehwa naBhowasi, ndokupfuura napo; akati kwaari, "Nhaiwe, tsaukira kuno, ugare pasi." Iye akatsauka, akagara pasi.
2
Akatora varume gumi kuvakuru veguta, akati, "Garai pasi pano." Ivo vakagara pasi.
3
Zvino akati kuhama yomumba, "Naomi, uya wakadzoka achibva kunyika yaMoabhu, unoda kutengesa mugove wenyika waiva womunun'una wedu Erimereki;
4
ndakati ndichakuudza izvozvo, ndichiti, `Chiutenga pamberi pavanhu vagere pano, napamberi pavakuru vavanhu vangu. Kana uchida kuudzikunura, undiudze, chiudzikunura hako, asi kana usingadi kuudzikunura, ndiudze, ndizive, nokuti hakuna ungaudzikunura asi iwe; unokutevera ndini.' " Akati, "Ndichaudzikunura ini."
5
Zvino Bhowasi akati, "Zuva iro raunotenga munda uyo kuna Naomi, unofanira kuutengawo kuna Rute muMoabhu, mukadzi wowakafa, kuti umutse zita rowakafa panhaka yake."
6
Hama iyo yomumba ikati, "Handigoni kuzvidzikunurira uyo, kuti ndirege kutadzira nhaka yangu, chitora hako iwe simba rangu rokudzikunura, nokuti ini handigoni kuudzikunura."
7
Zvino iyi ndiyo tsika yakanga iripo kare pakati pavalsiraeri kana vachidzikunura nokutsinhanha, kuti zvose zvisimbiswe. Munhu waibvisa shangu yake, ndokuipa hama yake, ndiwo waiva mutoo wokupupura nawo pavalsiraeri.
8
Zvino hama iyo yomumba ikati kuna Bhowasi, "Chizvitengera hako uyo." Akabvisa shangu yake.
9
Zvino Bhowasi akati kuvakuru nokuvanhu vose, "imwi muri zvapupu nhasi, kuti ndatenga kuna Naomi zvose zvaiva zvaErimereki, nezvose zvaiva zvaKirioni nezvaMaroni.
10
Ndatengawo Rute muMoabhu, mukadzi waMaroni, kuti ave mukadzi wangu, kuti ndimutse zita rowakafa panhaka yake, zita rowakafa rirege kurova pakati pehama dzake napasuo renzvimbo yake; imwi muri zvapupu nhasi."
11
Zvino vanhu vose vakanga vari pasuo navakuru vakati, "Tiri zvapupu hedu. Jehovha ngaaite mukadzi uyu wauya kumba kwako saRakeri uye saRea, ivo vaviri vakavaka imba yaIsiraeri; newewo uve nesimba paEfurata, ukurumbire paBheterehemu;
12
imba yako ive seimba yaPerezi, wakaberekerwa Judha naTamari, navana vauchapiwa naJehovha kumukadzi uyu uchiri muduku."
13
Ipapo Bhowasi akawana Rute, akava mukadzi wake, akapinda kwaari, Jehovha akamutoresa mimba, akapona mwanakomana.
14
Zvino vakadzi vakati kuna Naomi, "Jehovha ngaakudzwe, usina kukushaisa hama yomumba nhasi, zita rake rikurumbire pakati paIsiraeri.
15
Uchava kwauri muraramisi woupenyu, nomuriritiri wouchembere hwako; nokuti mukadzi womwana wako uyu, unokuda, unopfuura vanakomana vanomwe kwauri, ndiye wakamubereka."
16
Zvino Naomi akatora mwana, akamufungatira pachipfuva chake, akava mureri wake.
17
Vakadzi vakanga vagere naye vakamutumidza zita, vachiti, "Naomi wakaponerwa mwanakomana," vakamutumidza zita rinonzi Obhedhi; ndiye wakazova baba vaJese, baba vaDhavhidhi.
18
Zvino ndiwo marudzi aPerezi: Perezi wakabereka Hezironi;
19
Hezironi akabereka Rami, Rami akabereka Aminadhabhi;
20
"Aminadhabhi akabereka Nashoni, Nashoni akabereka Sarimoni;
21
Sarimoni akabereka Bhowasi, Bhowasi akabereka Obhedhi;
22
Obhedhi akabereka Jese, Jese akabereka Dhavhidhi.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
All chapters:
1
2
3
4