bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Peter 2
1 Peter 2
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
1
Naiɀoɀo rashai ɀakaipa ɀose, nokunyeŋgera kwose, namano‐mano, negoɗo, nokucera kwose,
2
saʋacece ʋacaŋgoɓerekwa, paŋgai mukaka womŋeya, usina‐kushatiswa, kuti mukure nawo, mugoponeswa;
3
kana makaraʋira kuti Ishe unomŋoyo munyoro.
4
Ʋuyai kwaari, iye ibge ɓenyu, rakarashwa naʋanhu, asi rakasanaŋgurwa naMŋari, rinokosha.
5
Nemi ʋo, samabge mapenyu, muʋakwe muʋe imba yoMŋeya, muʋe ʋuprista ʋutȿene, kuti muɓayire ɀiɓayiro ɀoMŋeya, ɀinofadza Mŋari nokuɗa kwaJesu Kristu.
6
Nokuti muRugwaro ɀiri’mo, ɀinoti: Tarira, ndinoisa muZioni ibge rekona, rakasanaŋgurwa, rinokosha; Nounotenda kwaari haaŋganyadziswi.
7
Naiɀoɀo imi, munotenda, munako kukudzwa; asi kunaʋasiŋgatendi, Ibge rakarashwa naʋaʋaki, Ndiro rakaitwa musoro wekona;
8
ʋuye Ibge rokugumbusa, Neɗombo rokupiŋganidza; ndiʋo aʋo ʋanogumburwa neshoko, nokuti haʋaritereri; ndiɀo ɀaʋakaisirwa ʋo.
9
Asi imi muri rudzi rwakasanaŋgurwa, ʋuprista bgamambo, rudzi rutȿene, ʋanhu ʋaakaɀiwanira, kuti muparidze kunaka kwaiye wakakuɗanai, kuti mubve parima muʋuye kuciedza cake cinoshamisa.
10
Imi kare makaŋga musi ʋanhu; asi ɀino muri ʋanhu ʋaMŋari; makaŋga musiŋganzwirwi ŋgoni, asi ɀino manzwirwa ŋgoni.
11
Ʋaɗikanwa, ndinokumbira ɀikuru kwamuri, ɀamuri ʋatorwa naʋaeni, kuti muɀidzore pakuciʋa kwenyama kunorwa nomŋeya;
12
mufambire wenyu uʋe wakanaka pakati paʋahedeni; kuti paʋanokupomerai ʋaciti munoita ɀakaipa, ʋarumbidze Mŋari nezuʋa rokushanyira, kana ʋaciʋona maɓasa enyu akanaka.
13
Muɀiise pasi pecireʋo cimŋe necimŋe caʋanhu nokuɗa kwaShe: kana ari mambo, nokuti ndiye mukuru;
14
kana ʋari ʋaɓati, nokuti ʋakatumŋa naye kuti ʋatsiʋe ʋanoita ɀakaipa, ʋuye ʋarumbidze ʋanoita ɀakanaka.
15
Nokuti ndiko kuɗa kwaMŋari, kuti nokuita kwenyu ɀakanaka munyaradze kusaziʋa kwamapenzi;
16
saʋanhu ʋakasunuŋguka, musiŋgaiti kusunuŋguka kwenyu kuti ciʋe cifukidzo ceɀakaipa, asi muʋe ʋaranda ʋaMŋari.
17
Kudzai ʋanhu ʋose. Iɗai hama dzose. Ityai Mŋari. Kudzai mambo.
18
Ʋaranda, tererai ʋatenzi ʋenyu nokutya kwose, musiŋgaɀiiti kunaʋakanaka naʋanyoro ɓedzi, asi kunaʋasakarurama ʋo.
19
Nokuti ndidzo nyasha kana munhu acitsuŋgirira pakutambudzika nokuɗa kwehana kunaMŋari, acitambudzika asinemhoȿa.
20
Nokuti kunerumbidzo yeiko, kana mucitsuŋgirira matadza, mukarobga? Asi kana mukatsuŋgirira kana muciita ɀakanaka mukatambudzika, iɀoɀo inyasha kunaMŋari.
21
Nokuti makaɗanirwa iɀoɀo, Kristu ɀaakakutambudzikirai ʋo, akakusiyirai mufananidzo, kuti muteʋere makwara ake;
22
iye usina‐kuita ɀiʋi, nokunyeŋgera hakunakuʋonekwa mumuromo make;
23
iye wakati acitukwa, haana‐kutuka ɀe; wakati acitambudzika, haana‐kutyisidzira; asi wakaisa mhaka yake kunaiye unotoŋga ɀakarurama;
24
iye wakatakura amene ɀiʋi ɀeɗu mumuʋiri wake pamuti, kuti isu, kana tafa kuɀiʋi, tiraramire ɀakarurama; iye wamakaporeswa namaʋaŋga ake.
25
Nokuti makaŋga makatsauka samakwai; asi ɀino madzokera kumufudzi nomutariri wemŋeya yenyu.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
Recommended Reading
Commentary
1 Peter Commentaries
→
Devotional
1 Peter Devotional Guide
→
Get This Bible
Doke Study Bible
→