bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Peter 5
1 Peter 5
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
1
Naiɀoɀo ndinoraira ʋakuru pakati penyu, ini mukuru pamŋe cete naʋo necapupu camaɗambudziko aKristu, nomugoʋani naʋo wokubginya kucazoratidzwa, ndiciti:
2
Fudzai ɓoka raMŋari riri pakati penyu, musiŋgaɀiiti nokuroʋererwa, asi nomŋoyo unoɗa nokuɗa kwaMŋari, musiŋgaɀiiti nokuɗa kwokukarira fuma yakaipa;
3
musiŋgaiti nesimba neɀamakagoʋerwa, asi muʋe ʋatuŋgamiriri ʋeɓoka.
4
Kana Mufudzi mukuru acizoʋonekwa, mucawana korona yokubginya isiŋgaȿaʋi.
5
Saiɀoɀo imi ʋaɗuku, muɀiise pasi paʋakuru, nemi mose pfekai kuɀininipisa mumŋe kunomumŋe, nokuti Mŋari unodziʋisa ʋanoɀikudza, asi unopa nyasha ʋanoɀininipisa.
6
Naiɀoɀo ɀininipisei pasi poruʋoko runesimba rwaMŋari, kuti akukudzei neŋguʋa yakafanira;
7
kandirai pamsoro pake kufuŋganya kwenyu kwose, nokuti iye unokuceŋgetai.
8
Ȿinurai, murinde; muʋeŋgi wenyu Diaborosi, unofamba‐famba seshumba inorira, icitȿaka waiŋgaparadza.
9
Mumudziʋisei, makamira nesimba pakutenda, muciziʋa kuti kutambudzika ikoko kunoitirwa hama dzose dziri panyika.
10
Ɀino Mŋari wenyasha dzose, iye wakakuɗanirai kukubginya kwake kusiŋgaperi munaKristu, kana mambotambudzika kaŋguʋa kaɗuku, ucakukwanisai, nokukumisai, nokukusimbisai, nokukuteyai.
11
Ŋgaaʋe nesimba nokusiŋgaperi‐peri. Ameni.
12
Ndakakunyorerai mashoko mashomanene naSirvano, hama yakatendeka pakufuŋga kwaŋgu, ndiciraira, nokupupura kuti idzi ndidzo nyasha dzaɀokwaɗi dzaMŋari; mirai madziri.
13
Kereke iri muBabironi, yakasanaŋgurwa pamŋe cete nemi, naMarko, mŋanakomana waŋgu, ʋanokukwazisai.
14
Kwazisanai nokuȿeta kworuɗo. Rugare ŋgaruʋe nemi mose muri munaKristu.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
All chapters:
1
2
3
4
5