bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Peter 4
1 Peter 4
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 5 →
1
Naiɀoɀo, Kristu ɀaakatambudzika panyama, nemi ʋo mushoŋge muraŋgariro iwoyo; nokuti munhu wakatambudzika panyama warega ɀiʋi;
2
kuti paŋguʋa yakasara panyama arege kurarama nokuciʋa kwaʋanhu, asi nokuɗa kwaMŋari.
3
Nokuti ŋguʋa yakapfuʋura yakariŋgana kuita kuɗa kwaʋahedeni, nokufamba noʋutere, nokuciʋa, nokunwa waini, nokutamba kwakaipa, namaɓira, nokunamata ɀifananidzo ɀisakafanira;
4
ʋanoshamiswa necinhu ici, kuti hamufambidzani naʋo pakusaɀidzora kwaʋo uku kwakawanda, ʋaci ku reʋerai ɀakaipa.
5
Iʋo ʋacaɀiɗaʋirira kunaiye wakaɀigadzira kutoŋga ʋapenyu naʋakafa.
6
Nokuti nokuɗa kwaiɀoɀi Evaŋgeri yakaparidzirwa ʋakafa, kuti ʋatoŋgwe haʋo panyama nomutoʋo waʋanhu, asi ʋararame nomutoʋo waMŋari pamŋeya.
7
Ɀino kuguma kweɀinhu ɀose kwaʋa pedyo; naiɀoɀo iʋai ʋakacenjera, muȿinure kuti munyeŋgetere.
8
Ɀikuru kuneɀose ɗanai noruɗo rukuru, nokuti ruɗo runofukidzira ɀiʋi ɀizhinji.
9
Itiranai ruɗo pakati penyu kana muri ʋaeni, musiŋganyunyuti.
10
Mumŋe nomumŋe seɀaakapiwa cipo cenyasha, shumiranai naco saʋatariri ʋakanaka ʋenyasha zhinji dzaMŋari.
11
Kana munhu acitaura, ŋgaataure saaneŋge ari mashoko aMŋari; kana munhu acishumira, ŋgaɀiitwe senesimba raanopiwa naMŋari; kuti Mŋari akudzwe paɀose naJesu Kristu, iye unokubginya nesimba nokusiŋgaperi‐peri. Ameni.
12
Ʋaɗikanwa, musashamiswa nokunyanyisa kwokuidzwa pakati penyu, kwakaʋuya kukuidzai, muciti mawirwa necisiŋgazikanwi;
13
asi farai ɀamunogoʋana naKristu pakutambudzika kwake, kuti pakuʋonekwa kwokubginya kwake mufare ʋo nomufaro mukuru.
14
Kana muciɀidzwa nokuɗa kwezita raKristu, makaropafadzwa, nokuti Mŋeya wokubginya waMŋari ugere pamsoro penyu;
15
nokuti kurege kuʋa nomumŋe wenyu ucatambudzika nemhaka yokuti muʋurayi, kana mbava, kana unoita ɀakaipa, kana usiŋgaregi ɀaʋamŋe;
16
asi kana munhu acitambudzika nokuɗa kwokuti mukristu, ŋgaarege kunyadziswa; asi ŋgaakudze Mŋari nezita iri.
17
Nokuti ŋguʋa yaȿika yokuti kutoŋga kutaŋge paimba yaMŋari; ɀino kana kukataŋga kwatiri, kuguma kwaʋasiŋgatereri Evaŋgeri yaMŋari kucagoʋeiko?
18
Ʋuye kana ɀiciremera wakarurama kuti aponeswe, ko uyo, usiŋgaɗi Mŋari, nomutadzi, ʋacagoʋonekwepi?
19
Naiɀoɀo naiʋo, ʋanotambudzika nokuɗa kwaMŋari, ŋgaʋaise mŋeya yaʋo kuMusiki wakatendeka ʋaciita ɀakanaka.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5