bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
1 Thessalonians 1
1 Thessalonians 1
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 2 →
1
Pauro, naSirvano, naTimotio, kukereke yaʋaTesaronika, iri munaMŋari, Ƃaɓa, naShe Jesu Kristu: Nyasha ŋgadziʋe nemi norugare.
2
Tinoʋoŋga Mŋari ŋguʋa dzose nokuɗa kwenyu mose, ticikuraŋgarirai pakunyeŋgetera kweɗu;
3
ticiramba ticiraŋgarira ɓasa renyu rinobva pakutenda, nokutamburira ʋamŋe kunobva paruɗo, nokutsuŋgirira kunobva patariro munaShe weɗu, Jesu Kristu, pamberi paMŋari, Ƃaɓa ʋeɗu;
4
tinoziʋa, hama dzinoɗikanwa naMŋari, kusanaŋgurwa kwenyu.
5
Nokuti Evaŋgeri yeɗu haina‐kuʋuya kwamuri neshoko ɓedzi, asi nesimba ʋo, nomumŋeya Mutȿene, nokuziʋa kwaɀo; seɀamunoziʋa kuti takaŋga takaɗini pakati penyu nokuɗa kwenyu.
6
Nemi makaʋa ʋateʋeri ʋeɗu naʋaShe, ɀamakagamucira Shoko mumaɗambudziko mazhinji, nomufaro woMŋeya Mutȿene;
7
naiɀoɀo makatuŋgamirira ʋose ʋanotenda muMakedonia neAkaya.
8
Nokuti shoko raShe, rakabva kwamuri, rakanzwika, kusati kuri kuMakedonia neAkaya ɓedzi, asi kutenda kwenyu kunaMŋari kwakaȿika kwose; naiɀoɀo hatifaniri kutaura cinhu.
9
Nokuti iʋo ʋamene ʋanoparidza kupinda kweɗu kwamuri, kuti kwakaŋga kwakaɗini; ʋuye, kuti makatendeʋukira kunaMŋari, mucibva paɀifananidzo, kuti muɓatire Mŋari mupenyu waɀokwaɗi,
10
nokumirira Mŋanakomana wake pakubva kwake kuɗeŋga, iye waakamutsa kuʋakafa, ndiye Jesu unotisunuŋgura pakutsamŋa kunoʋuya.
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 2 →
All chapters:
1
2
3
4
5